‘Usandirambe, handina kwekuenda’

Ashley Muchamiri
MURUME anova samusha anoti ari kuoneswa pfumvu neaimbova mudzimai wake uyo anogara achimurova zvisinei nekuti akamupa gupuro pamberi patete vake asi iye ari kuramba kurambwa.

Colias Mwale ndiye akamhan’arira Eulet Murwira kuHarare Civil Court.

“Ndauyawo kuno nenyaya yekuti mukadzi uyu aimbova mudzimai wangu, asi anondituka nekundirova zvikuru pamberi pevana. Ndinoda kuti abve pamba pangu,” anodaro.

Mwale anoti akapa Murwira gupuro iye ndokurirasa uyezve akamboedza kupa gupuro iri kuna vatete vemudzimai wake asi vakarambawo kuritambira.

“Mudzimai uyu ndakamupa gupuro kare kare asi iye akarirasa ndikaedzazve kunoripa tete vake avo vakariramba. Asi handichamuda nekuti ndakatowana mumwe mudzimai wandava kugara naye,” anodaro Mwale.

Murwira anoti haapokane nezviri kutaurwa naMwale asi haana kumwe kwekunogara kana akabva pamba apa.

“Ishe wangu, ini handipokane nezvaari kutaura asi handina kwekugara kana ndikabva pamba apa. Vabereki vangu vari kumusha uye handina mari yebhazi yekuendako,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Mwale gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *