Chikoro charamba kupera

CHIKORO chitsva cheNyamasanga Primary School kuRushinga chinonzi chakambomira kuvakwa zvichitevera kubiwa kwakaitwa zvimwe zvekuvakisa. - Mufananidzo: Memory Mangombe
CHIKORO chitsva cheNyamasanga Primary School kuRushinga chinonzi chakambomira kuvakwa zvichitevera kubiwa kwakaitwa zvimwe zvekuvakisa. – Mufananidzo: Memory Mangombe

Kingstone Mapupu
BASA rekuvakwa kwechikoro chitsva cheNyamasanga Primary School, kwaShe Rusambo, kuRushinga, rinonzi rave kunonotswa zvichitevera kubiwa kunonzi kwakaitwa zvinhu zvekuvakisa nembavha. Chikoro ichi, icho chiri mumugwagwa unobva kuMakachi uchienda kuNyamatikiti nekuMazowe River Bridge, chinonzi chakatanga kuvakwa makore matanhatu akadarika, asi basa iri rikazomira zvichitevera kubiwa kwezvekuvakisa.

Mbavha dzinonzi dzakaba samende, marata, mahwindofurema nemagonhi acho nezvimwewo. Zvinhu izvi zvinonzi zvave nenguva zvabiwa.
Mumwe ari mukomiti yekuvakwa kwechikoro ichi, VaBezel Zviitwa (29), avo vari kuona nezvekupemhwa kwemari yebara iri, vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti basa rekuvaka chikoro ichi rifambire mberi.

“Takanyora matsamba kune vamwe vane mabhizimisi muno nekunhengo yedu yedare reNational Assembly, Cde Wonder Mashange avo vanomirira Rushinga, uye takangomirira mhinduro yavo,” vakadaro VaZviitwa.

Vanoti zvidhinha zvekuvakisa chikoro ichi zvakakanywa nevabereki uye vari kuita mushandirapamwe neHurumende.
Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Mbuya Easther Kambudzi (80), vanoti vakafara apo basa rekuvaka chikoro ichi rakatanga.

“Zvikoro zviri kuno zvinosanganisira Makachi Primary nesekondari yacho koita Nyamatikiti Primary nesekondari izvo zviri kure nesu zvekuti tanga taita rombo rakanaka rekuti chikoro ichi chivakwe,” vakadaro.

“Takazongonzwa kuti zvinhu zvabiwa, ndipo pakabva paperera sarungano,” vakadaro.
Vanoti vana vemunzvimbo yavo vari kufamba nzendo dzemakiromita 15 kusvika 20 kuenda nekudzoka kuzvikoro zviri kure zvichizoita kuti vamwe vasiire dzidzo panzira.

Zvakadaro, Kwayedza haina kukwanisa kutaura naCde Mashange dakara pakudhindwa kwenyaya ino.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×