‘Bhadharai mari yechikoro kwete kumirira chikonzi’

VALERIO MUKOVA
Daphne Machiri

VABEREKI vanokurudzirwa kuti vabhadhare mari dzechikoro nenguva uye kuti vataurirane nevakuru vezvikoro kana paine matambudziko kwete kumirira kutumirwa zvikonzi sezvo zvimwe zvacho zvave kuita chikiribidi. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nevakafanobata chigaro chaDeputy Director Secondary and Non-Formal Education mupurovhinzi yeHarare, VaValerio Mukova, apo vaitaura pamusangano wevakuru vezvikoro zviri muHigh Glen District.

“Vakuru vezvikoro tiri kuvakurudzira kuti vataurirane nevabereki panyaya dzekubhadhara mari dzechikoro uye zvikoro ngazvirege kushandisa ma’debt collectors’ (zvikonzi) zvekuti vabereki vabhadhare mari nekuti vamwe vacho vave kuita chitsotsi, vanopihwa mari nevabereki dzekutsika-tsika nyaya.

“Kana vabereki vachipedza gore vasina kubhadhara mari dzechikoro vaendesei kumatare edzimhosva kana vachinge vatadza kubhadhara sehurongwa hwamunenge makawirirana nekuti chikoro chinodawo kuramba chichifambira kubudikidza nemari dzinobhadharwa,” vakadaro VaMukova.

“Zvakakosha kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro nenguva nekuti mari idzi ndidzo dzinosimudzira zvikoro nekutengeswa midziyo inoshandiswa nevana yakaita semabhuku ekunyorera neekuverenga.”

Vakati vabereki vanofanira kupota vachienda kumisangano yezvikoro zvine vana vavo sezvo izvi zvichiita kuti vazive mafambiro anenge achiita zvinhu.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×