DERECK Chisora anoti anogona kuita mutambi wetsiva wekutanga kukunda Anthony Joshua kana vatambi vaviri ava vakanzi varwe vese gore rinotevera kuLondon O2 Arena. Joshua akahwina mutambo wake wechi15 asati ambokundwawo svondo radarika apo paakakunda Dillian Whyte ndokuhwina bhande reBritish Title zvakaita kuti akawedzera pamusoro pereCommonwealth raanaro.
Chisora akarwawo zvakare mumutambo uyu apo akakunda Kakov Gospic uye shasha iyi yave kutarisirwa kunzi ndiyo inogona kurwa naJoshua, sekutaura kwapuromota wetsiva, Eddie Hearn.
“Ndinofunga kuti kana tiri kufunga zvekurwira kuchengetedza bhande iri, Chisora ndiye ari pamusoro pevese,” Hearn akaudza Sky Sports News HQ.
Chisora, uyo akwanisa kuhwina mitambo mina yakatevedzana zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naTyson Fury gore radarika muna Mbudzi, anoshuvira zvikuru kurwira mabhande epasi rese uye anoziva kuti kana akakunda Joshua zvinomubatsira zvakanyanya.
Paakabvunzwa kuti anotambira mutambo uyu here, Chisora akaudza Sky Sports kuti anoda kurwa zvakadarikidza. “Asi zvinofanirwa kunge zvakanakira mapato ese. Handingomhanye kupinda mumutambo uyu nekuti zvakanakira tsiva bedzi. Mari inobuda mumutambo uyu inofanirwa kunge ichigutsa ini pamwe naye zvakare.
“Mutambi wese anoita gadziriro dzake kuti agove shasha yepasi rese. Ndizvo zvandiri kushuvira nanhasi uno. Ndakundwa mitambo mishanu chete, uye ndakakundwa nevatambi vepamusoro. Mimwe mitambo ndakabirirwawo zvakare.
“Asi zvandinoda chinhu chimwe chete, kuve shasha yepasi rese uye ndigofadza vatsigiri vemutambo uyu,” akadaro Chisora. — Sky Sports News




