Chikoro chitsva choda rubatsiro

Mambo Binga
Mambo Binga

VAGARI vekwaMambo Binga, kudunhu reBinga, kuMatebeleland North, vari kutsvaga rubatsiro rwekuvakisa chikoro chesekondari sezvo pari zvino vana vari kudzidzira mudzimba dzemapango nehuswa.Bulawayo Secondary School chikoro chitsva chiri kuvakwa nevabereki vekudunhu iri uye chinonzi chiri kunonoka kupera nechikonzero chekushomekerwa nezvekushandisa.

Mambo Binga, VaGaster Siateya, vanoti pari zvino vana vesekondari vari kufundira mudzimba dzemapango.

“Mushure mekuona kuti vana vaitambura kuwana dzidzo yesekondari, ndakagara pasi nemasabhuku angu nevanhu vose tikawirirana kuti tibatsirane kuvaka chikoro chedu chitsva ichi. Takakanya zvidhinha ndokuunganidza mari shoma iyo takatengesa simende ndokutanga kuvaka dzimba dzevadzidzisi nezvimbuzi. Takavakawo dzimba mbiri dzekudzidzira asi vana vachiri kufundira mudzimba dzemapango,” vanodaro.

Vanoti dambudziko ravo guru nderekuti vabereki vazhinji vari mudunhu ravo havashande sezvo vachirarama nekurima nekuitawo mamwe mabhindauko izvo zvisingavawanise mari yakawanda. Izvi, vanodaro Mambo Binga, zviri kuita kuti basa rekuvakwa kwechikoro ichi rinonoke kufamba.

Vana vazhinji vanoenda pachikoro ichi vanobva paBulawayo Primary School iri pedyo.

“Tisati tavaka chikoro ichi, vana vainge vapedza Grade 7 vaienda kuzvikoro zviri kure zvinosanganisira Manjolo Secondary uko vaifamba mitunhu inodarika makiromita 15 kusvika 20, zvinoreva kuti vana ava vaisvika kuchikoro vaneta votadza kudzidza zvakanaka.”

Mambo Binga vanoti dambudziko rekushaya zvekuvakisa chikoro ichi ndiro guru.

“Ndine masabhuku anodarika zana mudunhu mangu avo ndiri kugara navo pasi kuti tione kuti tingatsvage sei rubatsiro rwekuti chikoro chedu chipere kuvakwa. Taida kuti panoturuka mvura dzimba dzevana dzatiri kuvaka nezvidhinha dzinge dzapera,” vanodaro.

Chikoro chesekondari ichi, vanodaro Mambo Binga, chine vana vanodarika 300 veForm 1 kusvika 3 uye vanotarisirwa kuwanda nekufamba kwenguva.

Zvakadai, Mambo Binga vanotiwo havana kiriniki iri padyo inobatsira vemunharaunda.

“Kubva kare, kana zvikoro zvichivakwa panofanirwa kuvawo nekiriniki padyo kuitira vana vakarwara. Kiriniki pari zvino yatingati iri padyo ndeyeSimatelele iyo iri chinhambwe chinoita makiromita 15 kana kuchipatara cheBinga kwakareba makiromita 40,” vanodaro mambo ava.

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *