Chikwata chebasketball chopinda mukembi

CHIKWATA chenyika chebasketball chichapinda mukembi svondo rino neChishanu apo chichange chichiita gadziriro dzekunokwikwidza kumutambo weAfrobasket African Championships Tunisia 2015 uyo uchatambirwa kuTunisia muna Nyamavhuvhu.

Vatambi 25, vanotambira muno pamwe nekunze, vakashevedzwa nemurairidzi wechikwata ichi Ellery Pinkerton kuti vagopinda mukembi.

Gadziriro idzi dziri kuitwa paUniversity of Zimbabwe nepaBelvedere Teachers Training College.

Kumutambo weAfrobasket uyu, Zimbabwe yakaiswa muGroup D umo ichasangana nezvikwata zvakaita seAlgeria, Cape Verde Islands pamwe neCote d’Ivoire.

Muhurukuro naHead of Protocol Media and Publicity weBasketball Union of Zimbabwe, Shinga Magede, anoti sangano ravo riri mushishi kuumba chikwata chakasimba. Anoti panguva iyo vari kuita gadziriro idzi, vanenge vachiongorora zvakare matambiro ezvimwe zvikwata zviri muboka ravo.

“Murairidzi wedu, Ellery Pinkerton, akashevedza vatambi vakawanda kuti vagopinda mukembi ambovaongorora zvakasimba apo takatarisana nekuzoenda kunokwikwidza kumutambo weAfrobasket Tunisia 2015.

“Uku kuchange kune zvikwata zvinotamba basketball yepamusoro saka isu tinofanirwa kuenda takagadzirirawo nekuti tinoda kunohwina kunyangwe hedu tichiziva kuti zvichange zvisiri nyore.

“Tichange tichiongorora zvekare kuti zvikwata zviri muboka redu zvinombotamba sei pamwe nevatambi vacho,” akadaro Magede.

Zimbabwe yakahwina tikiti rekuenda kumutambo weAfrobasket African Championships Tunisia 2015 mushure mekupedza iri pechipiri mumutambo weFIBA Africa Afrobasket and African Games Qualifiers uyo wakatambirwa muno muna Kukadzi.

Angola, iyo yakahwina mumutambo uyu, yakabudirira kuenda kunokwikwidza kumutambo weAll Africa Games.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×