Chikwata chevanhukadzi chakavambwa

Abel Ndooka —
CHIKWATA chenhabvu chevanhukadzi cheKwekwe Queens chekuKwekwe chakavambwa nguva pfupi yadarika nechinangwa chekusimudzira vanasikana nemadzimai vane tarenda remutambo uyu kudunhu reMidlands.

Danho iri rakatorwa namuzvinabhizimisi wekuKwekwe, Tichaona Nhari, uye chikwata ichi chichange chichishanda chakabatana neCUMA Academy yekuKadoma iyo inotungamirirwa nemutambi wenhabvu, Cuthbert Malajila pamwe naHurbert Manyowa.

Achitaura svondo radarika pakaumbwa kwechikwata cheKwekwe Queens, Nhari anoti: “Muno muKwekwe kunyanya Midlands yese ndimo makabva vatambi vazhinji venhabvu vakaita mukurumbira vanove vanhurume saka takaona zvakakosha kuti titangisewo chikwata chemadzimai.

“Ndakatenderera muzvikoro zvakasiyana ndichironga mitambo yavo, tarenda randakaona mune vamwe vasikana rinonwisa mvura uye vamwe vanototamba kudarika vakomana chaivo,” anodaro Nhari.

Svondo radarika, Nhari akaronga mutambo weNhari Football Tournament uyo aitsigirwa neCUMA Academy

Mutambo uyu wakashandiswa kusarudza vatambi vachazopinda muchikwata cheKwekwe Queens.

Chikwata ichi chichange chiine vanasikana nemadzimai uye pazororo rega-rega rekuvharwa kwezvikoro vatambi vachange vachitumirwa kuCUMA Academy kuKadoma nedonzvo rekuti vange vachibikwa matarenda avo.

“Takatanga kusarudza chikwata chevechidiki uye ndivo tichashanda navo kusvika vakura vapinda muchikwata chevakuru. Tichange tichivatumira kuKadoma pamwe nenzvimbo dzakasiyana kuti vambonokwikwidza nezvimwe zvikwata.

“Zvikwata izvi zvichauya zviri paviri – chevadiki kozoti chavakuru – asi chatichanyanyokushosesa ndechevadiki nekuti tinoda kuti tarenda ravo rinyatsobikwe kuitira pavanozokura dzinenge dzave shinda chaizvo,” anodaro Nhari.

Muchinda uyu anoti akavamba chikwata chevanhukadzi ichi mushure mekunge aona kuti mashoma makambani ari kukotsvera mitambo yema- dzimai.

“Variko madzimai vanotamba nhabvu zvinonwisa mvura asi hapana kwavari kuenda vamwe vacho nekuti panoshaiwa vanovasimudzira saka tikabatana kudira mari mumutambo wavo zvinobatsira mukuvasimudzira.

“Ini ndinotendera muzvikoro dzimwe dzenguva ndichitovarairidza ndega nekuti chishuvo changu kuda kuona madzimai vachisimukira,” anodaro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×