Shuramurove adzoka mudariro

Abel Ndooka —
MUIMBI wemusambo we- Afro-fusion, Chenjerai Shuramurove Maviki, uyo vazhinji vanoziva saShuramurove — anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutsikisa mimhanzi sezvo izvi zvichibatsira mukusimukira kweindasitiri iyi.

Shuramurove, uyo akambonetsa nekambo kanonzi “Ella” ako akatsikisa mugore ra2014, akabura dambarefu rake rechipiri rinonzi “African Agenda” iro akashanda nevaimbi vanosanganisira Leonard Zhakata naFirst Farai.

Anoti kushanda kwaakaita nevaimbi ava kwakakosha chaizvo sezvo kuchivabatanidza.

“Humbimbindoga hautombodiwe mumhanzi nekuti hapana kwahunokusvitsa saka kubatana uye kuve mhuri imwe kunobatsira kuti tese sevaimbi tisimukire.

“Ini ndakamboimba kare ndikambonyarara zvangu saka ndadzoka zvakare mudariro uye mukudzoka kwangu ndakazviona zvakakosha chaizvo kuti ndishande nevaimbi nekuti zvinobatsira tese sevaimbi kusimukira,” anodaro Shuramurove.

Anoenderera mberi achiti, “Rutsigiro rwandange ndichiona kubva kuna mukoma Zhakata naFirst Farai runosimudzira zvikuru uye zvinoita kuti semuimbi urambe uchishanda kuti mhanzi yako igosvika kure.”

Anoti mhanzi yake yaari kurova inonzi Shuramurove Music uye kushanda kwaari kuita nevamwe vaimbi kunovabatsira kuti vange vachikwezva vatsigiri vakawanda kumashoo avanenge va- chiita.

“Nyaya yemashoo mazuva ano iri kunetsa nekuti vamwe vatsigiri mari havana iri kunetsa kuwana saka kana vachida kuuya kuzokutsigira unotofanirwa kunge uchikwenya zvekumberi kana kuti munenge makawanda sevaimbi muchiita mushandirapamwe. Ndosaka ini ndiri kushanda nevamwe vaimbi kuti tisimudzirane,” anodaro.

Zvakadai, dambarefu raShuramurove reAfrican Agenda rine nziyo dzinoti “Yuna”, “Handichaoni”, “Africa”, “Samere”, “Chapungu”, “Mupata weDhibhura”, “Guruve Chinyau” uye “Zimbaland”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×