Kusandura mbesa kunobatsira kuvandudza ivhu

VARIMI vakakurudzirwa kuti vasarambe vachirima mbesa dzimwe chete mumunda gore negore asi kuti vadzisandure sezvo izvi zvichibatsira mukuvandudza pamwe nekusimbisa ivhu.

Kurudziro iyi yakaitwa nenyanzvi yezvekurima, VaJohnson Muzarurwi, vanova agriculture analyst nedonzvo rekusimudzira goho revarimi.

Vanoti zvakakosha kuti kana murimi akarima chibage mumunda gore rapera mwaka uno asandurewo orima zvakaita senzungu mumunda uyu.

“Tine zvirimwa zvakaita setsenza chaidzo, magogoya, madhumbe, nyimo, mapfunde, mhunga, rukweza nezvimwe izvo vazhinji vasingarime zvinogona kuita zvakanaka kuminda yedu. Hatimboedzai izvozvo nekusanduka kwave kuita mamiriro ekunze,” vakadaro VaMuzarurwi.

Vanoti zvakakoshawo zvakare kuti varimi vashande nevarimisi vekumatunhu avo kuitira kuti vazive mbesa dzinoita zvakanaka munzvimbo dzavari.

“Sevarimi tine dambudziko guru rekuti vari kuBuhera vanoda kutevedzera zvavakaona kuShamva uyewo vekuGuruve votevedzerawo vekuKaroi, matunhu aya akasiyana nezvinodiwa ikoko zvakatsaukana,” vakadaro.

“Saka tinoti kuvarimi vedu ngatishandei nevarimisi vedu votizivisa kuti zvirimwa zvinodiwa nematunhu edu nevhu racho pane kungoita chindoendawo,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×