Chimbwamupengo: Vet Services

Kingstone Mapupu —
NYANZVI inoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kumhuka kubazi reDepartment of Veterinary Services, Dr Chenjerai Njagu, vanoti zvinokwanisika kuti katsi ibatwe nechimbwamupengo (rabbies) izvo zvinokonzera kuti ipedzisire yave kuruma vanhu kana zvimwe zvipfuyo.

Mashoko avo anotevera nyaya yekatsi yekuDomboshava iyo inonzi yakamuka chibhebhenenga nguva yadarika ichiruma vanhu.

“Katsi iyi yatova njodzi kuvanhu uyewo tinoti vose vari kurumwa ngavakurumidze kunorapwa nekuti rabbies hairapike, inouraya. Danho guru kuidzivirira. Imbwa dziri kurwisana nekatsi iyi dzinofanirwawo kubaiwa majekiseni nenguva, vanhu voona kuti katsi iyi yauraiwa yonovhenekwa nemachiremba,” vanodaro.

Dr Njagu vanoti zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kuita hasha kwechipfuyo, kusagadzikana nekupera simba.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×