Chimuka akahwinha mumwezve mubairo

Munyori weKwayedza

MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka akahwapura mumwezve mubairo wekugona basa mumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA 2018-19) pamabiko akaitwa nemusi weChina muguta reHarare.

 

Chimuka akahwinha mubairo wekutanga unoona nezvekuraswa kwemarara nenzira dzinokanganisa nharaunda uye upenyu hwevanhu – Open Defaecation Including Solid Waste Management Journalist of the Year.

 

Chikamu chemakwikwi aya chaingova nemubairo mumwe chete bedzi nyika yose unova ndiwo wakaenda kuKwayedza.

Chimuka akawana mari nechitupa izvo zvakabva kusangano reUnicef.

 

Chirongwa chemaNJAMA chinorongwa nesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ).

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi vanoti vacharamba vachitsigira vatori venhau kuti vaone kuti vari kushanda nenzira dzisina kumbunyikidzwa.

“Ticharamba tichiita mibairo yerudzi urwu tichitenda mabasa anoitwa nevatori venhau nekuti zvinoita kuti vave nemanyuku-nyuku nebasa ravo.

“Tiri kukurukura neHurumende kuti pave nemitemo yakasimba inochengetedza vatori venhau nekuti tine nyaya dzakawanda idzo vanorohwa kana kukuvadzwa vari pabasa,” vanodaro.

 

Munguva pfupi yadarika, Chimuka akahwapura mimwe mibairo miviri pamakwikwi evatapi venhau vanonyora nezvekurima, eZimbabwe Agriculture Media Awards 2019 apo akanyora nezvekurimwa kwembeu diki uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo zvakaita semombe.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *