‘NETBALL IRI MUMHURI’

Abel Ndooka
MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems, Ursula Ndlovu (25), anoti amai vake ndivo vakamumanikidza kuti atambe mutambo uyu sezvo iye aive nerudo rwemujaho wekumhanya.

Vazhinji vanoziva Ursula – uyo anotambira chikwata cheHarare City Queens zvakare, ari mumwe weshasha dzemaGems dzakanetsa kumakwikwi eVitality World Cup akaitirwa kuLiverpool, kuEngland nguva yadarika.

Mutambi uyu ange ave nemakore achinetsa mumutambo uyu izvo zvakambomuona achihwina mibairo inosanganisira Moment of the Match mune mumwe mutambo waakanotamba kuSouth Africa.

Ursula anoti achikura akadzidza kuzvikoro zvinosanganisira Nkulumane Primary neMsiteli High School, kuBulawayo uye aikwikwidza mumujaho wekumhanya.

Anoti mugore ra2013 ndipo paakatanga kutamba netball akurudzirwa namai vake – Norah Ndlovu – avo vakambotambawo mutambo uyu.

“Ini mwoyo wangu waive pamujaho wekumhanya, ndizvo ndaida nekuti ndaive ndiri pfuti pakutiza. Asi, amai vangu ndivo vakati ndisiye zvekumhanya nditange kutamba netball.

“Saka mugore ra2013 ndipo ndakatanga kutamba ndikapinda muchikwata chemupurovhinzi tikanokwikwidza kumakwishu emaYouths Games, kubva ipapo handina kuzobvira ndatarira shure.

“Netball ndiyo yave hupenyu hwangu uye yandiendesa kune dzimwe nyika dzandaisafungira kuti ndichazoenda muhupenyu hwangu,” anodaro Ursula.

Anoti amai vake vakatombonetsa vachitambawo netball muchikwata chenyika kare chisati chave kuzivikanwa semaGems uye vairaidzwa naLedwin Dondo uyo anove ave kurairidzawo Ursula zvakare.

Ursula anoti anopa kutenda kuna amai vake vakaita kuti atambe netball sezvo yave kumupa pundutso muhupenyu hwake.

“Amai vangu iGaffa chairo, vaive shasha panetball uye ndivo vakaita kuti ndive nerudo nemutambo uyu. Asi chinondifadza hangu parizvino ndechekuti amai vangu vakarairidzwa naLedwin Dondo vari kuchikwata chenyika uye nhasi Dondo ndiye ave murairidzi wangu.

“Kashoma kuzviona zvichiitika izvozvo kumitambo yakasiyana,” anodaro.

Anoenderera achiti, “Nhasi netball yandipa hupenyu hwandaisambofungira. Iye zvino ndave kukwanisa kuchengeta mhuri yekwandinobva kusanganisira ambuya vangu vakandichengeta Gogo Matshabalala, handidi navo. Amai pavaienda kunotamba netball, gogo ndivo vaisara neni vachindichengeta saka nhasi yave nguva yanguwo yekuvachengeta.

“Izvezvi pandinoenda kunze kwenyika kunotamba netball mwanasikana wanguwo ndinomuendesa kwagogo vangu kumusha vanosara naye vachimuchengeta sekundichengeta kwavaiita ini,” anodaro Ursula.

Mutambi uyu akwanisa kutambira zvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Beta Queens, Connemara neHarare Queens uye akatanga kutambira maGems mugore ra2017.

Ursula anoti shuviro yake anoda kuzonotambira zvikwata zvekunze kwenyika dzakaita seAustralia, England neNew Zealand uko kunotambwa netball yepamusoro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *