Chimuka weKwayedza hutu nemubairo

Munyori weKwayedza

MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka akahwapura mumwezve mubairo wekugona basa kumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA 2018-19) ayo akaitwa nemusi weChina chadarika muguta reHarare.

Chimuka akahwinha mubairo wekutanga unoona nezvekuraswa kwemarara nenzira dzinokanganisa nharaunda uye upenyu hwevanhu – Open Defaecation Including Solid Waste Management Journalist of the Year.

Akaenda nemubairo wemari nechitupa izvo zvakatsigirwa nesangano reUnicef.

Chirongwa chemaNJAMA chinorongwa nekutsigirwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) gore negore.

Munyori mukuru kuZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti sangano ravo richaramba richitsigira vatori venhau kuti vaone kuti vari kushanda nenzira dzisina kumbunyikidzwa.

“Ticharamba tichiita mibairo yerudzi urwu tichitenda mabasa anoitwa nevatori venhau nekuti zvinoita kuti vave nemanyuku-nyuku nebasa ravo. Tiri kukurukura neHurumende kuti pave nemitemo yakasimba inochengetedza vatori venhau nekuti tine nyaya dzakawanda idzo vatapi venhau vanorohwa kana kukuvadzwa vari pabasa. Saka tichakuzivisai nezveshanduko yemitemo iyi nekuti Hurumende iri kuzvitambira,” vanodaro.

Chimuka achangobva kuhwinha mimwe mibairo miviri mumakwikwi ezvekurima, eZimbabwe Agriculture Media Awards, ayo akaitwa mwedzi mitatu yadarika.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *