Kukaringa howa zvemandorokwati

ZVIRI MUGAPU

Muchaneta Chimuka

USAVI hwehowa hunonaka kunge nyama ndokunge hukabikwa nemazvo uye hune kudya kwemapuroteni uko kunodiwa nemuviri.

Svondo rino Melania Munatsi wekuChiredzi anotsanangudza mamwe mabikirwo ehowa.

Zvinodiwa:

Howa hwemhando yaunoda, chikari, poto kana pani, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto rehowa (mushroom soup) negarlic.

Mabikiro:

Geza howa huchene. Isa muchikari, woisa makomichi maviri emvura.

Siya hukwate kusvika hwaibva. Isa mafuta wokanga.

Chekerera hanyanisi, matomatisi negarlic.

Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

Kana zvatsvukirira, chiisa godzamuto rehowa kuti usare uine muto wakakora.

Wozodii?

Chibura unakirwe nemhuri! Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asi, tapota musatenge howa hwemumikoto kana hunotengeswa mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa makorwa mukapedza mhuri. Tengai muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *