Chipoko chekupisa musha chanyarara

NYAYA yechipoko chemwanakomana weimwe mhuri yekwaSeke, uyo anonzi akafa mushure mekunwa muchetura —icho chainzi chaipisa imba, chichigeza muchimbuzi nekuridza redhiyo masikati machena — yakazogadziriswa.

Izvi zvinotevera kubviswa kwemhiko dziri kunzi dzainge dzaiswa pamusha apa nechinangwa chekumutsa mweya wemushakabvu.

Mashura echipoko chainetsa masikati machena chichipisa musha aya aiitika pamba paMai Barbra Kunaka, avo vachangobva kufirwa nemwanakomana wavo, Sternford Kumanda, mubhuku raChakahwata.

Mushakabvu anonzi akatanga kumuka chipoko apo zvinonzi vepamusha apa vakapihwa mhiko yejira dzvuku nemumwe muporofita iro vakanosungirira panzvimbo yakanwirwa muchetura naSternford.

Sabhuku vemumusha uye vari hama kumhuri iyi, VaVincent Chakahwata (46), vanoti pakabuda nyaya iyi muKwayedza nguva yadarika, pane vanhu vakazovapa mazano ekupedza dambudziko rechipoko iri.

“Chipoko chiya hakusisina, hatizive kuti zvachose here. Amai vemuchakabvu, Mai Barbra Kunaka, vakazonobvisa jira remuteuro rainge rabva kumaporofita iro rinofungidzirwa kuti ndiro raimutsa mufi. Kubva ipapo zvakabva zvapera,” vanodaro.

Sabhuku Chakahwata vanoti nyaya iyi yakatemesa misoro vagari venzvimbo iyi.

“Vanhu vange vazara nekutya, kunyanya husiku. Akafa uyu haisi hama yedu sezvo akauya naamai vake (Mai Kunaka) vakanga varoorwa nababa vedu ava,” vanodaro Sabhuku Chakahwata.

Sternford anga ari mubvandiripo pamusha apa, zvichireva kuti mwana akauya naamai vake vachibva kuMozambique kwavainge vakamboroorwa ndokusvikorerwa nemushakabvu, VaGeorge Chakahwata, avo vaiva murume waMai Kunaka.

Pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza nguva yadarika, Mai Kunaka vakaramba kutaura nevatori venhau nezvenyaya iyi apo vakarova bara vachitiza.

Chipoko ichi chinonzi chaionekwa chichigeza muchimbuzi, kuputa fodya chichiridza redhiyo nekunokumbira zvekudya kuna Mai Kunaka. Chinonziwo chaiburitsa midziyo mumba chichinokanda panze.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *