Chirambadare otongwa mudare

Garnet Zvimba
MUDZIMAI wekunzi muroyi nechikomba chake akabva kudare muromo uri mumhuno sezvo mari yaaida yemendenenzi isina kusvitswa paaida.Maud Shereni akaenda kudare reHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi yekuchengeta mwana mumwe chete yaaipihwa naTapera Chirambadare ikwidzwe kubva pa$60 kusvika pa$160.

“Mari yave kudiwa nemwana yawanda sezvo ave kuenda kuchikoro kunova kunodiwa $70 pamwedzi kozoti yechikafu. Mari yandinopihwa kubasa kwangu haisi kundikwanira kuti ndichengete mwana ndoga zvinova zvandipa kuti ndiise chikumbiro ichi pamberi pedare. Murume uyu haana kana basa neraramo yemwana chake kuziva kudya achigutsa dumbu rake mwana achikwangwaya sezvinonzi haana vabereki,” akadaro Shereni.

Shereni akati Chirambadare anoramba kana nekunzi ndiye muridzi wemwana uyu.

“Pari zvino mwana haana kana negwaro zvaro rekuzvarwa asi iye haambozvifungi zvake.

‘‘Chinondishungurudza ndikamufonera ndichimubvunza nyaya iyi kana mari yemwana anondituka achinditi ndiri muroyi ndisingazivi kuti huroyi hwangu huri pakubvunza mari yemwana here,” akadaro.

Achizvidzivirira, Chirambadare akati zvikwereti zvakamumomotera nekudaro zvaisaita kuti mari yemendenenzi iyi ikwidzwe.

“Ini ndine mudzimai nevana vatatu zvakare vanotoda kuchengetwa neni. Ndinongovawo mutyairi wemarori. Mari yandiri kupihwa ishoma kwazvo sezvo ndakambotora chikwereti kubasa kuti ndikwanise kubhadhara mendenenzi,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatonga kuti Chirambadare abhadhare $70 kuna Shereni pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×