Akatiza mwana akaremara

Hardway Nyakuwarwa
VANHU vaive mudare vakasiririswa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamutiza achimusiya nemwana wavo uyo akaremara mitezo achienda kunogara nanyachide.Izvi zvakabuda muHarare Civil Court uko Jennifer Maparura akamhan’arira murume wake, Robert Mukoka, achida kuti abhadhare $250 yemwana uyu.

“Changamire wangu, ndine chichemo pamusoro pemurume wangu uyo akanditiza mushure mekuona kuti mwana anorwara. Mwana uyu anoda kugara achitariswa, nekudaro ini handichina chandichakwanisa kuita.

“Zvakaoma kuti ndisiire mwana uyu mumwe munhu ini ndichienda kubasa nekuti ndinogona kuwana atizwa nekudaro ndinoda mari yakati wandei.

“Anondinetsera kuti ndimupe mwana wedu dangwe agare naye nemumwe mukadzi wake asi ini handidi nekuti paakambomutora mwana akadzoka asara musoro chete,” akadaro Maparura.

Mukoka akaudza dare kuti hapana chikonzero chekuti abvise mari iyi achiti anoriritira mhuri yake nezvose zvinodiwa.

“Ndinoitira mukadzi wangu zvaanoda asi haasi kundinzwisisa, handina mari yandingamupa,” akadaro Mukoka.

“Handina kumutiza asi kungoti ndave nemumwe mukadzi nemwana.” Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mukoka abvise $140 pamwedzi.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×