Chirongwa chekubatsira vachangopedza chikoro

Daphne Machiri
BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina rakaparura chirongwa chakananga kubatsira vadzidzi vachangopedza zvidzidzo kuti vakwanise kuzvishandira kuburikidza nemabasa emawoko, cheThe Graduate Entrepreneurship and Employment Promotion Programme.

Vachitaura nevadzidzi vepaMasvingo Polytechnic svondo rapera, gurukota rebazi iri, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri vakati vakavamba chirongwa ichi nedonzvo rekuti vachangopedza zvidzidzo zvavo vakwanise kuwana mabasa ekuita zvichienderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimAsset.

“Hurumende iripo pakusimudzira vachangopedza zvidzidzo zvavo kuti vawane mabasa pamwe chete nekusimudzira upfumi hwenyika takanangana nechirongwa cheZimAsset,” vakadaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vakati zvakakosha kuti vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vave nepekugara pakanaka, vawaniswe chikafu chinokwana pamwe nemari yefundo yekubatsira avo vanoshaya.Cde Muchinguri-Kashiri vanoti Hurumende iri kushingaira kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari pasi pechirongwa chinobatsira vadzidzi vanoshaya, cheCadetship.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×