Chirongwa chekuderedza rufu kumadzimai nevana

HURUMENDE, iri mushishi kusimudzira nyaya dzezveutano, zvikuru kuderedza dambudziko remadzimai anofa akazvitakura nevana vanoshaika pakuzvarwa.

Izvi zvinotevera kuparurwa kwechirongwa chekurwisa dambudziko iri neHurumende yakabatana nesangano reUnited Nations Development Programme (UNDP) kuMarondera nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pakuparurwa kweReproductive, Maternal, Newborn, Child and Adolescent Health (RMNCH-A), gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakati chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUnicef uye chine chinangwa chekusimudzira utano nekuwaniswa kwekudya kunovaka muviri kumadzimai nevana kunyanya. “Chirongwa cheHealth Developmnent Fund takaona chichibatsira zvikuru mukuderedza ndufu dzemadzimai akazvitakura nevana,” vakadaro.

Vanoti kana mari iyi ikashandiswa zvakanaka, ichabatsira mukuderedza ndufu dzevana nemadzimai.

“Chirongwa chekutsigira homwe yezveutano cheHDF kana chikatsigirwa zvakasimba chinogona kuunganidza US$600 miriyoni inova ichichabatsira madzimai nevana munyaya dzeutano,” vakadaro.

Vatsigiri vechirongwa cheHDF vane chinangwa chekuunganidza US$680 miriyoni mukati memakore mashanu. Pari zvino sangano reEuropean Union, hurumende yeUnited Kingdom, Sweden neIreland pamwe neGlobal Alliance for Vaccines and Immunizations (GAVI) vakaratidza kuve nechido chekutsigira chirongwa ichi.Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, iri mushishi kusimudzira nyaya dzezveutano, zvikuru kuderedza dambudziko remadzimai anofa akazvitakura nevana vanoshaika pakuzvarwa.

Izvi zvinotevera kuparurwa kwechirongwa chekurwisa dambudziko iri neHurumende yakabatana nesangano reUnited Nations Development Programme (UNDP) kuMarondera nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pakuparurwa kweReproductive, Maternal, Newborn, Child and Adolescent Health (RMNCH-A), gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakati chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUnicef uye chine chinangwa chekusimudzira utano nekuwaniswa kwekudya kunovaka muviri kumadzimai nevana kunyanya. “Chirongwa cheHealth Developmnent Fund takaona chichibatsira zvikuru mukuderedza ndufu dzemadzimai akazvitakura nevana,” vakadaro.

Vanoti kana mari iyi ikashandiswa zvakanaka, ichabatsira mukuderedza ndufu dzevana nemadzimai.

“Chirongwa chekutsigira homwe yezveutano cheHDF kana chikatsigirwa zvakasimba chinogona kuunganidza US$600 miriyoni inova ichichabatsira madzimai nevana munyaya dzeutano,” vakadaro.

Vatsigiri vechirongwa cheHDF vane chinangwa chekuunganidza US$680 miriyoni mukati memakore mashanu. Pari zvino sangano reEuropean Union, hurumende yeUnited Kingdom, Sweden neIreland pamwe neGlobal Alliance for Vaccines and Immunizations (GAVI) vakaratidza kuve nechido chekutsigira chirongwa ichi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×