
VANHUKADZI vabva zera vekuChitsungo, mudunhu reMbire, kuMashonaland Central, vakadzikirwa mutemo wakaoma: Imhosva kana mukadzi ari panguva yake yekugeza kana kutevera akasvika panocherwa mvura sepachibhorani.
Masvikiro nevamwe vachengetedzi vetsika nemagariro kudunhu iri vanoti kutyora tsika dzechivanhu kana munhukadzi anenge ari panguva yake yekugeza akanochera mvura pachibhorani.
Vanhu nezvipfuyo kuMbire vanorarama nemvura yemuzvibhorani, yemumifuku iri munzizi dzakapwa kana kuti dzizere jecha nevamwe vanoita kuzvicherera migodhi pamisha yavo.
Pose panocherwa chibhorani mudunhu iri, zvinonzi panototanga paitwa chivanhu basa risati ratanga setsika dzeko.
Pasi pemutemo wemasvikiro uyu, zvinonzi mukadzi anenge achitevera akachera mvura pachibhorani, chinogona kupwa kana kuti panzvimbo yacho panoitika masaramusi.
Madzimai kana vari panguva yavo yekugeza, pachivanhu vanonzi vakasviba naizvozvo havafanirwe kusvika panzvimbo dzinoyera kana kuita mamwe mabasa akaita sekubida doro rechivanhu.
Masvikiro nevamwe vanoita zvechivanhu kuMbire vanonzi vakadzika mutemo wekuti mukadzi wose anenge ari panguva yekutevera haasvike pachibhorani senzira yekuchengetedza tsika dzeko uye zvinonzi zvinoita kuti zvibhorani izvi zvirambe zviine mvura.
Mukuru wemasabhuku mudunhu raMambo Chitsungo, Sabhuku Mushawemhuka, VaMutape Gomo Mushawemhuka (77), vanotsinhira nezvetsika iyi.
“Ichokwadi ichocho, kuti madzitateguru edu muno kana kuti mhondoro nemasvikiro vakatipa chiga chekuti madzimai ari panguva yavo havafanirwe kusvika pazvibhorani. Izvi zvinoyera, zvinokonzera kuti mvura yemuzvibhorani ipwe sezvo pose patinochera zvibhorani pachitanga papirwa kumasvikiro nemhondoro kuti mvura ibatwe.
“Pasina izvozvo, mvura haibatike. Kana mukadzi achiziva kuti ndizvo zvaari, anototuma vamwe, vana vake kana murume kunochera mvura,” vanodaro. “Mhondoro yedu muno ndiTateguru Musumha Chireya Nyamukokoko. Ndini ndinosvitsa zvichemo zvose zveruzhinji kwavari ivowo vachindizivisawo zvavanoda kuti zvitevedzwe. Saiwo mutemo wekuti madzimai akaremerwa aya asasvike pazvibhorani, hakusi kuti pane kushora vanhukadzi kwete, asi zvagara zviripo kubva pasichigare kuti vaisatenderwa kusvika kudare kana kunopa vanhurume zvekudya.”
Vanoti dunhu reChitsungo rine zvibhorani zvakawanda, izvo vasina kuziva huwandu hwazvo, uye mutemo uyu unotevedzwa.
“Vemasangano akasiyana vakauya kuno vachida kuchera zvibhorani, vanototanga nekwandiri ndozosvitsa nyaya iyi kwamambo nekumhondoro yedu. Zvadaro, tinozobika doro panzvimbo yavanenge vachida kuchera chibhorani, midzimu yosvika kuti mvura ibude.
“Pakuchera hazvizonetsa, mvura inobva yabatwa. Saka ndipo pakapihwa mutemo uyu,” vanodaro Sabhuku Mushawemhuka.
Vanoti pose panoitwa chivanhu, ringava bira, vanhukadzi vari panguva yavo yekutevera havabvumirwe kusvikapo sezvo vanenge vachinzi vakasviba. “Madzimai akadai akasvika mumapira unonzwa midzimu ichiti mapinda munhu akasviba. Kunyangwewo nevaye vanenge vabva kushinha zvepabonde havabvumidzwe.”
Dambudziko ravo guru vanoti nderekuziva kuti vakadzi vanenge vari panguva yekutevera ndevapi, izvo zvavanoti zvinoita kuti vamwe vagumisire vave kubiridzira kunochera mvura vachityora tsika idzi. “Zvimwe zvibhorani zvedu muno zvave kuoma zvimwe zvichiramba kuburitsa mvura iyo irimo. Tine mamwewo masaramusi ezvibhorani zvinongofa zvisinganzwisisike uyewo nechimwe chave kuburitsa nyama nezvimwe zvinoshamisa,” vanodaro. Sabhuku Mushawemhuka vanoti vakadzi vanotyora tsika iyi vakazivikanwa vanoendeswa kwamambo uko vanonoyambirwa.
“Pane vamwe vanotozotaura voga asi vamwe vanoita maune vachida kuona kuti zvinoita sei. Muno muWadhi 8 tine zvibhorani zvaoma zvisinganzwisisike, nekudaro vanhu nezvipfuyo vave kushaya mvura,” vanodaro mukuru wemasabhuku ava.
Sabhuku Mushawemhuka, avo vanoti vaiva murwi wehondo yerusununguko rweZimbabwe vachishandisa zita rekuti “Cde Bvunzawabaya”, vanoti kunyange muhondo chaimo, vanhukadzi vainge vari panguva yekutevera vaisiiwa kumashure vakachengetedzwa kudzimara vapedza sezvo, sekutaura kwavo, vainzi vaigona kukanganisa mafambiro ehondo.
VaClaudious Matohwe (36) vemudunhu iri vanoti mutemo uyu uri kunetsa kutevedzwa nekuti vamwe vanhukadzi vanenge achitevera vanogona kunge vari voga pamisha voshaya wekutuma kunochera mvura.
Sekuru Wilson Nyamupfukudza (63), avo vanobudirwa nesvikiro raTateguru Nyaungwe, vanoti tsika iyi yagara iriko kubva pasichigare.
“Kuzvisipiti chaiko hakubvumirwe kusvikwa nemadzimai vari panguva yavo. Saka tinoti ngavatevedzere tsika iyi kuti chivanhu chedu chifambire mberi,” vanodaro. Zvakadaro, mamwe emadzimai akataurwa nawo kunzvimbo iyi, avo vakaramba kuti mazita avo aburitswe, vanoti tsika idzi dzinodzvanyirira munhukadzi.
“Izvi (zvokutevera) zvakasikwa naMwari saka ndinozonzi ini pamazuva manomwe andinogeza ndisachere mvura? Handiti zvinodawo hutsanana here izvozvo, ndinobika nekugeza nei?” akadaro mumwe mudzimai.



