MAONERO EDU: Ikodzero yemwana kuwaniswa dzidzo

ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya dzebudiriro muchikamu chedzidzo izvo zvaona nyika ino ichigara pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Budiriro iyi inofanira kurumbidzwa uye nekuramba ichisimbaradzwa.

Tinodaro nekuti kune zvimwe zvinhu zvekuti zvikasangwarirwa zvinogona kudzosera budiriro iyi kumashure.

Muenzaniso ndewe nyaya inorovesa hana yekuti pane vana vanodarika 47 000 vaiita Form 4 ne6 gore rapera avo vanonzi vakasiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira hurombo.

Ongororo yakaburitsa izvi yakaitwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari uye zvakabuda kuti vamwe vadzidzi vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuroorwa kana kushaya mari yekunyora bvunzo.

Chinoshamisa ndechekuti kune vamwe vadzidzi vanonzi vakasiira dzidzo panzira nekuda kwekushaya mari yekubhadhara panguva iyo Hurumende iri kuti hapana mwana anofanira kudzingwa chikoro nenyaya yekuti anenge aine chikwereti kuchikoro.

Kurega chikoro kwevadzidzi ava nenyaya yekushaya mari chiratidzo chekuti kune vamwe vakuru vezvikoro vari kuramba vakaisa zvimiti munzeve vasingakoshese danho rakatorwa neHurumende rekuti hapanai mwana anofanira kudzingwa chikoro nekuda kwekuti vabereki vake vanenge vasina kubhadhara mari.

Ikodzero yemwana wose kuti adzidze uyewo zvakakosha kuti vabereki vabhadharire vana vavo mari yechikoro.

Tinorumbidza zviri kuitwa nevamwe vakuru vezvikoro avo vasiri kudzinga vana vanenge vasina kubhadharirwa mari asi kuti vari kutora zvikonzi izvo zvinozoita kuti mari iyi ibviswe.

Chokwadi ndechekuti mwana haafanire kufira mhosva yemubereki wake.

Seimwe nyaya yakaitika pachikoro cheMweyamutsvene Mission School, kuBocha, yemwana anonzi akarambidzwa kunyora mazamanishoni eO-Level nekuti akanga aenda kuchikoro asina shangu.

Mukubuda kwenyaya iyi, mwana uyu anonzi akanetsana nemumwe mudzidzisi anove mudzimai wemukuru wechikoro ichi, uyo anonzi akamubhejera kuti aida kuzoona kuti bvunzo dzake aizodzinyorera kupi.

Uhu hutsinye hwekupedzisa uye itarisiro yedu kuti bazi redzidzo richatora matanho akakodzera ekuranga vakakonzeresa izvi nekuti apa upenyu hwemwana uyu hwakatoenda mudondo.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinofanira kurumbidzwa nekuita ongororo iyi nekuti inoburitsa pachena mamiriro akaita zvinhu.

Ongororo iyi inobatsira zvikuru mukuona pari kuperevedza muchikamu chedzidzo uye nematanho angatorwe kuti zvinhu zvidzokere mugwara.

Hongu, nyika ino ndiyo iri pamusoro pedzimwe dzose muAfrica panyaya yefundo asi kana tikangorivara tichizvirova matundundu tinozochechuka tadzikira zvikuru pabudiriro iripo pari zvino.

Zvakakosha kuti Hurumende nemapoka anotsigira dzidzo varambe vachitora matanho akakodzera ekusimbisa budiriro yefundo munyika.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×