Chirongwa chemaNight Clinics chobudirira

Malven Mugadzikwa

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti vatyairi vemagonyeti pamwechete nevanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vane njodzi huru yekuramba vachiparadzira utachiona hweHIV uye nezvirwere zvepabonde asi izvi zviri kuderedzwa kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana.

Zvirongwa izvi zvinosanganira kuongororwa utachiona hweHIV nekupihwa mishonga yemaARVs munzvimbo dzemakiriniki anenge akavhurwa munguva yehusiku (Night Clinics) kumativi mana enyika.

NAC Mashonaland East Provincial Manager, Dr Wilfred Dube vanoti makiriniki ehusiku aya mudunhu mavo ari kubatsira zvakanyanya sezvo kuine mugwagwa unoshandiswa nevatyairi vemagonyeti unobva muHarare uchienda kuNyamapanda.

“Mashonaland East inosanganisira nzvimbo dzine mapurazi uye kune dzimwe dzinowanikwa vasikana vanotengesa miviri yavo, kunyanya nguva dzemanheru.

“Vanhu ava kazhinji havawani nguva yekuti vaongororwe pavamire maererano neutachiona hweHIV uye zvirwere zvepabonde.

“SeNAC, takaona zvakakodzera kuti tivhure makiriniki atiri kudaidza kuti maNight Clinics uko kwatinoti vaya vanonyara kuongororwa masikati machena vachionekwa neveruzhinji vanouya manheru voongororwa voziva pavamire,” vanodaro.

Dr Dube vanoenderera mberi vachiti, “Makiriniki aya ari kubatsirawo zvakare vaya vanofamba nemagonyeti vachienda kuMozambique kuti vakwanise kuongororwa, kunyanya panzvimbo dzavanowanzozororera kuti vazosimudzira nzendo dzavo.

“Takaisa makiriniki emanheru aya pedyo nenzvimbo dzatinoziva kuti vatyairi vanorara nekuti kazhinji ndipowo pavanosangana nevasikana kana madzimai anoita zvekutengesa miviri.”

Dr Dube vanoti pamakiriniki aya vanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV vanobva vabatsirwa nemishonga yekuti vatangise kushandisa kana kunwa.

“PamaNight Clinics vanhu havasi kungoongororwa chete asi kuti kana munhu atobatwa kuti ane utachiona hweHIV kana denda reAIDS anobva audzwa mishonga yekuti anwe uye anobva atopihwa ipapo kuti atange kunwa.

“Izvi zvinobatsira zvakanyanya nekuti vazhinji vanenge vasingazivi pavamire.

“Zviri kubatsirawo kuderedza kuramba paine kuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde,” vanodaro Dr Dube.

Mudunhu reMashonaland East, maNight Clinics aya ari panzvimbo dzinoti Murehwa Centre, Mutoko Centre, Nyamapanda neMakaha.

“Makiriniki aya haana kuzvimirira asi kuti takatsvaga pekushandira mumakiriniki eHurumende uye musiyano ndewekuti maNight Clinics anovhurwa husiku uye anorara akavhurika kuitira kuti munhu akauya chero nguva dzaauya manheru anowana pakavhurika,” vanodaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×