Chirongwa chezvipfuyo choparurwa

Andrew Muvishi
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChina chino vari kutarisirwa kuparura chirongwa chekudzoreredza zvipfuyo, cheLivestock Revitalisation Programme, pachikoro cheGandauta Primary School chiri kuChiadzwa, kwaMarange, kuManicaland.

Mashoko aya akaziviswa nachamangwiza wesangano reZimbabwe Agricultural Society (ZAS), Dr Anxious Masuka.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa neZAS yakabatana nekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company.

“Kuparurwa kwechirongwa ichi kuchaitwa paGandauta Primary School, kuChiadzwa, uye President veRepublic of Zimbabwe (Cde) Emmerson Mnangagwa vanotarisirwa kuve muenzi anoremekedzwa,” vanodaro Dr Masuka.

“Chikamu chekutanga chechirongwa ichi chinotarisa nyaya dzekuuchikwa kwemombe (artificial insemination) nechinangwa chekusimudzira mhando yemombe dzekumaruwa izvo zvinoitawo kuti pave nepundutso uyewo raramo yekumaruwa ichisimukirawo.

“Zvinoita zvakare kuti pave nechenjedzo pamusoro pebasa guru rinoitwa nezvipfuyo maringe nezvemabhizimisi, kudya kunovaka muviri uye kuwanikwa kwezvekudya.”

Dr Masuka vanoti chirongwa ichi chichaona kuvambwa kwemuzinda weLivestock Incubation Centre kudunhu reManicaland uyo uchange uchidzidziswa varimi maringe nekuchengeta zvipfuyo nekurima zvirimwa zvakasiyana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *