USAVI hwechitaka chemombe mudya ndakasungwa kana huchinge hwabikwa zvine hunyanzvi uye hunonzi hunobatsira zvikuru panyaya dzekusimudzira utano.
Svondo rino Tabitha Murefu wekuBulawayo anotsanangudza mamwe mabikirwo echitaka chemombe.
Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, banga, nyama yechitaka chemombe, hanyanisi, matomatisi, mafuta chipunu chimwe chete, munyu negodzamuto
Mabikiro:
Cheka chitaka muzvidimbu zvakaenzana, wocheka matomatisi nehanyanisi kuita zvidimbu zvidiki.
Gadza chikari, poto kana pani pamoto, isa mafuta uye kana apisa tora nyama yose woisa imomo.
Kanga kwemaminitsi gumi nemasere woisa munyu mushoma, wobura woisa mundiro.
Tora hanyanisi, matomatisi wozvicheka-cheka uye wodurura mupoto wokanga kusvikira zvatsvukira.
Sanganisa godza muto nemvura komichi imwe chete wodira imomo.
Ramba uchikurunga kusvikira zvave kusvosva mwoyo, sanganisa nenyama woraidza wochizobura.
Usavi uhu hwakanaka kudya nechingwa, sadza, mupunga kana manhuchu.




