Chirwere cheHand, Foot and Mouth Disease chanyuka muHarare

Muchaneta Chimuka

GUTA reHarare ratarisana nechirwere chitsva icho chinodaidzwa kunzi Hand, Foot and Mouth Disease (HFMD) uye nyaya 501 dzakatorekodhwa kusvika parizvino panguva imwecheteyo kanzuru iyi iri kukusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji kuti vacherechedze nezvechirwere ichi chinova chiri kunyanya kubata vana vari pasi pemakore gumi ekuberekwa.

Chirwere ichi chinokonzerwa neutachiona (virus) hunodaidzwa muchirungu kuti Coxsackievirus A16 U, chinofamba nemumhepo uye vanhu vakuru vane mukana wekuchibatirawo.

Dr Propser Chonzi vanova Director of Health Services mukanzuru yeHarare vanoti nomusi wa18 mwedzi uno, kanzuru yakatambira nyaya 501 dzechirwere ichi.

Vanoyambira veruzhinji kuti varambe vachikoshesa nyaya dzekuchengetedza hutsanana sezvo chirwere ichi chichitapuriranwa nyore, zvikuru sei nekugumana.

“Dzimwe nzvimbo dziri kushungurudzwa nechirwere ichi muHarare dzinosanganisira Budiriro iyo ine nyaya 51, Mabvuku ine 47, Tafara ine 48, Mufakose ine 43, Highfield ine 28 neMbare ine 27. Kutaura kuno, zvikwata zveDistrict Rapid Response zviri munharaunda dzakasiyana zvichiedza kuona kuti chirwere ichi chadzivirirwa kuti chisarambe chichipararira. Chiri kunyanya kubata vana vari pasi pemakore mashanu. Chine zviratidzo zvakadai sekukosora, kupindwa nechando, maronda pamuromo, mumaoko nemakumbo kana mapundu,” vanodaro.

Dr Chonzi vanoti vabereki vanofanirwa kugara vachicherechedza chirwere ichi muvana vavo uye kana vachinge vaita fungidziro, vakurumidze kuenda navo kuchipatara kuti vanorapwa nenguva sedanho rekuti chisaramba chichitekeshera kune vamwe.

“Chirwere ichi chinogona zvakare kukonzera maronda epahuro uye chinoparadzirwa kuburikidza nekukosora kana kuti munhu anacho achinge ahetsurira vamwe apo mate ake anotakura chirwere chichipararira kune veruzhinji. Zvisinei nekuti chirwere ichi chinorwadza, kazhinji kacho chinowanikwa chichizopera chega asi tinokurudzira kuti vanhu vaende kuchipatara senzira yekuti tideredze zviratidzo zvacho,” vanodaro.

Vanoti wese ane zviratidzo zvechirwere ichi achange achirapwa pachena nokudaro vanhu havafaniri kuzozeza kuenda kuchipatara vachiti vanonobhadhariswa mari.

“Hatisati tava nendufu dzati dzakonzerwa nechirwere ichi asi tinoramba tichiti vese vane zviratidzo zvacho ngavaende kuzvipatara nemakiriniki ari padyo navo kuti vange vachirapwa,” vanodaro Dr Chonzi.

Nharaunda yeBulawayo ndiyo imwe iri kunzi ine nyaya dzinofungidzirwa kuve dzechirwere chimwechete ichi.

Kanzuru yeBulawayo yakatozivisa kuti nyaya idzi dzakaonekwa muzvikoro zviviri apo vana vanosvika 30 vakavhenekwa vakaonekwa kuti vane chirwere ichi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×