Chirwere cheitsvo here?

MUBVUNZO:

Sekuru, ndakanzwa chirongwa chepaStar FM muchitaura nezvechirwere cheitsvo. Zvimwe zvacho zviri kuitika pandiri, ndinotanga ndichipera simba, musana uchindirwadza nechekure. Ndikati ndiite basa kana rakareruka remumba, ndinokasika kuneta, musana worwadza usinganyarare. Marwadzo aya anosvika pakubata kumatiwi ose pedyo nemusana asi pari pamusoro pehudyu. Makumbo anodairirawo marwadzo aya. Ndakaenda kuchipatara ndikapihwa mapiritsi nekubaiwa majekiseni, asi zvakaramba zvichirwadza kusvika makumbo ozvimba. Muweti yangu munenge muine turopa. Apa handichanyatsofamba zvakanaka. Uku musana unorwadza, simba richipera, ndichidikitira, hana yangu ichirova uye ndichitambura kufema. Ndoita sei sekuru?

MHINDURO:

Muzukuru iwe, nevamwe vangadai vaine dambudziko rakadai, ndinoti kasikai kuenda kuchipatara zvisati zvasvika pakadzama. Sematauriro ako, ichi chinoita sechirwere cheitsvo uye hachidi kunonokerwa.

Itsvo ndidzo dzinogeza tsvina iri muropa yobuda neweti uye ndidzo dzinodzosera zvese zvinenge zvichiri kudiwa nemuviri kuti upenyu nemashandiro emuviri zvifambe zvakanaka.

Saka chirwere cheitso chinotadzisa itsvo kushanda zvakanaka. Kutaura kuti tsvina inofanirwa kugezwa ichibuda mumuviri inenge isisabude, yosvika pakuwanda muropa izvo zvinobva zvakanganisa mashandiro emuviri kusvika nyama dzatange kuwora, munhu oparara.

Zvinokonzera chirwere ichi zvinosanganisira kudya kune chepfu sedoro rekangopisa rakaita sekachasu, rimwewo doro kungowandisa mumuviri, mishonga yekubvisa mimba nezvimwewo.

Saka iwe muzukuru kasina kuonekwa nemachiremba kuchipatara.

Tichitarisa kuchivanhu, mukaona chirwere ichi chisingarapike, zvava kureva kuti kuroyiwa.

Naizvozvo unofanirwa kutsvaga vanachiremba vechivanhu kuti vakubatsire. Ngwarirawo kungopedzerwa nguva nevamwe vanonyepera kuti vanozvigona asi vachida kukurozva pfuma.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0715 942 183.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×