Chirwere chichiriko’

Abel Ndooka

MUTAMBI wemadhirama achiita zvekare zvemimhanzi nekunyora mabhuku – Tafadzwa Kanjirai, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti RG Dicoma Anomala – anoti chenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19 haifanirwe kumbomira sezvo pasina munhu anoziva kuti denda iri rinopera rinhi.

RG Dicoma Anomala ane mutambo waachangobura unonzi “Love Life not Beer Corona is Real” uyo anoti akanyora zvichitevera nyaya dzemamwe mabhawa anonzi ari kuvhurwa panguva ino apo asiri kutenderwa kushanda senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tarasikirwa nehama neshamwari dzakawanda nekuda kwecorona (Covid-19), saka tinofanira kukoshesa upenyu hwedu nevari pedyo nesu. Isu vari mune zvemitambo ibasa redu kupa chenjedzo yekuti Covid-19 ichiriko uye inouraya, saka tinofanirwa kutevedzera mitemo yose inodiwa kuti chirwere ichi chisapararire.

“Ndine mutambo wandakaita unonzi Love Life not Beer, Corona is Real uyo ndinopa vanhu chenjedzo kuti zvimwe zvinhu zvatinokoshesa mazuva ano zvinogona kutiparira. Munhu ukaona kuti nhomba yedoro yabata, zviri nani kuenda unotenga kuzvitoro zvinotenderwa wonwira hako pamba pako pane kuenda kumabhawa ari kuvhurwa nerweseri izvo zvisingatenderwe panguva ino,” anodaro.

RG Dicoma Anomala anoenderera mberi achiti, “Ukatarisisa mumabhawa acho mazhinji, vanhu vanenge vasina kupfeka mamasiki uye hapana paunozorwa sanitizer chaiyo. Saka ngatikoshese upenyu hwedu nguva dzose.”

Muchinda uyu ane mimwe mitambo yaakaita inosanganisira Ndoita Zano Ripi, Kuomesa Musoro uye akwanisa kunyora mabhuku Maidei naKuvhundutsa Vanhu, pakati pemamwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×