Musayambuke nzizi dzakazara: ZRP

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuyambuka nzizi dzizere nemvura sezvo zviine njodzi yekuti vanogona kuyeredzwa kana kurumwa nezvikara.
Yambiro iyi yakapihwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, zvichitevera vanhu 59 vanonzi vakafira mumvura munyika yose mumwedzi waNdira gore rino bedzi kana zvichienzaniswa ne71 vakafa panguva imwe chete iyi muna2020.
“Zvakaonekwa kuti vanhu vakawanda vakafira mumvura mumwedzi waNdira gore rino ra2021 varume avo vanokwana 49 kana zvichienzaniswa nevanhukadzi vanongova gumi chete.
“Vanawo vari kuny’ura vachitambira padyo nemvura kana kutuhwinha mumadziva. Saka tinokurudzira vabereki nevanogara nevana kuti vavachengetedze,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti gore rapera, vanhu 483 vakayeredzwa nemvura muZimbabwe.
“Iyambiro yedu semapurisa kuruzhinji kuti vasiyane nekuyambuka nzizi dzizere nemadhamu ane mvura yakawanda uyewo tiri kukurudzira kuti vanhu vavhare matsime ari pamisha yavo nekumapindu. Tarasikirwa nevanhu vakawanda nekuda kwetsaona dzekuyeredzwa nekuny’ura mumvura,” vanodaro.
Vanoti vanhu 483 vakayeredzwa nemvura munyika yose kubva mumwedzi waNdira kusvika Zvita gore rapera kana zvichienzaniswa neva411 vakafira mumvura muna2019 panguva imwe chete iyi.
“Mukati metsaona idzi dzinokwana 483 dzakaitika mugore ra2020, 26 dzakaitika muguta reHarare, 7 kuBulawayo, Midlands (54), Manicaland (55), Masvingo (30), Matabeleland North (30), Matabelaland South (31), Mashonaland East (58), Mashonaland Central (70) ne97 kuMashonaland West,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×