VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.
Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Dehwe iganda remhuka. Kare vanhu vaifara kana vakabata mhuka nekuti vaizovhiya ganda racho vogadzirisa zvipfeko nemagumbeze.
Matehwe aishandiswawo kugarira, kunyanya embudzi. Hadzisi mhuka dzese dzine matehwe aishandiswa.
Dzimwe mhuka dzakaita senzou neshumba dzaizivikanwa nemakanda akasimba kwazvo. Mazuva ano vanhu vave kushandisa matehwe kugadzirisa zvinhu zvakawanda.
Nyora zvinhu zvishanu zvaunoziva zvinogadzirwa nematehwe emombe kana dzimwewo mhuka.
1. Mabhegi
2. Shangu/bhutsu
3. Mabhachi/mabhatye
4. Mabhandi/mabhande ekusunga muchiuno
5. Mabhandi/mabhande ewachi
6. Zvikwama
7. Zvigaro
8. Ngowani
9. Hembe
10. Makavha emabhuku
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tsvaga unyore mazwi anoreva zvakafanana neakanyorwa pano. Mamwe mazwi acho anogona kudarika rimwe chete.
Dota
Huswa
Bveni
Nhumbu
Ibwe
Simbi
Mvere
Dafi
Mbambaira
Ura/vura
* * *
Mhinduro svondo rinouya.




