CHISHONA CHANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1.    Munda unorimwa mupunga unonzi doro kana kuti dimbwa.
2.    Munda mutsva unonzi gombo.
3.    Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi gura.
4.    Sadza rakasara nezuro rinonzi munya.
5.    Mwana anozvarwa nguva yake isati yakwana anonzi gavamwedzi.

* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1.    Munochengeterwa fodya yebute inonzi nhe***.
2.    Zvimiti kana mabhonzo akavezwa anoshandiswa nen’anga pakushopera anonzi hak***.
3.    Tunzungu tudiki twusina kunyatsosvika twunonzi mhu***.
4.    Nzvimbo inofudzirwa mombe inonzi maf****.
5.    Munhu ane simba rekukuvadza vamwe nemishonga vakarara anonzi mur***.

* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×