‘Koshesai mitambo muzvikoro’

SPIWE JIRI
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese mitambo yakaita semadhirama sezvo vamwe vana vaine zvipo zvinokwanisa kuzovawanisa raramo mune ramangwana ravo. Kurudziro iyi yakaitwa naEducation Officer (Arts and Culture) weMbare-Hatifield District, Mai Spiwe Jiri pamakwikwi emitambo yezvikoro ayo aive nedingindira raiti, “Simuka mwanasikana”, nguva yadarika.

“Vana vechikoro vanoburitsa zviri kuitika matigere zvakaita sekushungurudzwa kwemwasikana kuburikidza nemitambo. Mwanasikana munhuwo anofanirwa kuwana kodzero dzake dzakakwana sekuenda kuchikoro, kuwana zvekudya uye pasina kushungurudzwa kwaanoitwa,” vakadaro Mai Jiri.

“Zvakare mitambo iyi iri kudzidzisa vana kuti vave neruzivo rwezviri mubumbiro remutemo zvinoita kuti vakure vachiziva nekutevedza mitemo izvo zvinovaka hunhu, tsika nemagariro avo.”

Vakati pachazosarudzwa chikoro chimwe chete chichanomirira dunhu reHarare, icho chichakwikwidza nezvimwe zvinobva kumatunhu akasiyana kuBulawayo munguya iri kutevera.

Mai Jiri vakati zvakakosha kuti vadzidzisi pamwe chete nevana vechikoro vakoshese zvidzidzo zvemitambo.
“Ndinokurudzira vana vechikoro kuti vadewo mitambo semabhuku nekuti zvinogona kuvapa raramo mune remangwana,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×