Mhando dzezvirimwa

Ticha Danga
PAYA panotinhira mvura yekutanga kuturuka vanhu vanoita chipatapata chekuunganidza mbeu kuitira kuzodyara nguva iripo. Mukuunganidza mbeu kwavanoita vanotora dzemhando dzakasiyana zvichienderana neminda inenge ichida kurimwa. Rimwe gandiwa rinogona kudyarwa zviyo, rimwe mapfunde, mhunga, nzungu kana chibage.

Mukudyara mbesa idzi vanhu havangotora chitore-tore kwete asi vanenge vachitoziva mhando yavanoda. Nokudaro chikamu chino tichatarisana nemhando dzezvirimwa.

Ndinotanga nemapfunde, ayo anogona kubikiswa doro kana sadza iro rinonaka zvikuru nemukaka wakakodzekwa. Kune mhando ina dzamapfunde, ekutanga achinzi tsveta. Mapfunde aya ane dzinde kana shanga refu zvishoma. Tsveta inoita kunze kwetsanga kutsvuku uye hupfu hwacho hunenge huri hutsvuku.

Kunozoita mapfunde anonzi chigwadara ayo ane gunje pfupi uye aine tsanga nhema.  Hupfu hwechigwadara hwakatsvukuruka. Monga imhando yemapfunde ane dzinde refu uye kunze kwetsanga kuchena achiita hupfu huchena.
Kune kamwe kamhando kemapfunde kanokurumidza chose kuibva.

Ikaka kane gunde netsanga pfupi. Hupfu hwacho hwakatsvuka uye mhando yacho inonzi mukadzidzoka.
Zviyowo kana kuti rukweza zvinewo mhando dzakasiyana dzinosvika shanu. Kune kazviyo katsvuku asi kari kadikidiki ako kanonzi nhuri. Nhuri yakasiyana nemuduura. Muduura zviyo zvine hundi yakawanda cuye kana zvonosvika kana kuibva zvinopfumbata setvina kana kuti sechibhakera.

Imwewo mhando ndeinonzi garinhi kana kuti gwezere. Izvi zviyo zvemhando yepamusoro nekuti zvine huro huru dzinoita serusero kana dzasunga.

Matangatsapi imhando yerukweza rwunotangira dzimwe mhando kuibva. Zita racho rakabva mukuti ndirwo rwunotanga kuiswa mutsapi.
Vabiki vehwahwa vanonyanyofarira kamwe kamhando kezviyo kanonzi nyiminya.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×