Chitungwiza haina mvura

Phillipa Chinhoi-Mukome
VAMWE vagari vemudhorobha reChitungwiza vari kuchema-chema nedambudziko rekushaikwa kwemvura yekushandisa mudzimba panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chinoda kuti veruzhinji vagare vachiita hutsanana nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vagari vemudhorobha iri avo vanoti vari kuwana mvura yemupombi kwapera masvondo maviri izvo zviri kuisa utano hwavo panjodzi.

Amai Loice Mudyiwa vekuZengeza 3 vanokumbirisa kanzuru yeChitungwiza kuti ivawanisewo mvura yekushandisa.

“Tiri kukumbirisa kanzuru kuti itiwanisewo mvura kana kaviri zvako pasvondo sezvo chirwere cheCovid-19 chichida kuti vanhu vaite hutsanana kuti chisapararire. Mvura tiri kuiwana kwapera masvondo maviri nekudaro nguva zhinji tinonochera kumigodhi uko tinoungana zvichiita kuti pave nenjodzi yekutapurirana zvirwere seCovid-19,” vanodaro.

Kwayedza yakaita ongororo mudhorobha iri ndokuona madzimai nepwere vachitsvaga kwekuchera mvura. Vamwe vainge vakaungana muzvibhorani zvishoma izvo zviri kushanda.

Dambudziko remuzvibhorani izvi riri pakuti hamuna mishonga yema”sanitiser” iyo ingadai ichizorwa mumaoko munhu asati atanga kudhaya chibhorani icho chinenge chabva mukubatwa nemumwewo munhu.

Mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti ichokwadi kuti dhorobha ravo rakatarisana nekushomeka kwemvura uye vari kutora matanho ekurigadzirisa.

“Chekutanga ndechekuti Chitungwiza inowana mvura kubva kuHarare, nekudaro sezvo mvura isina kunaya zvakanaka gore rino, kuHarare kwacho ishomawo. Hatikwanise kuisa ma”pre-paid” mita mudzimba nekuti anoshanda kana tiine mvura inenge ichibuda zvakanaka,” vanodaro VaMeya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Sekanzuru, tiri kuedza kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemvura nekucheresa zvibhorani zvinosvika 33 pamusoro pezvimwe 25 zvatakambocheresa nguva yadarika.”

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *