‘Musangorasa magirovhosi nemamasiki pose-pose’

Kingstone Mapupu
MUKURU webazi rezveutano mukanzuru yeguta reHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti dambudziko rekuraswa kwemamasiki nemagirovhosi — izvo zviri kushandiswa neveruzhinji kudzivirira coronavirus —munzvimbo dzisina kukodzera idambudziko guru uye zvine njodzi yekukonzera kunyuka kwezvimwe zvirwere.

Coronavirus hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19, icho chatambudza vanhu munyika dzinodarika 200 pasi rose.

Mashoko aDr Chonzi anotevera kunyunyuta kuri kuitwa neveruzhinji zvichitevera kuraswa kuri kuitwa mamasiki nemagirovhosi anenge ashandiswa pose-pose.

“Magirovhosi nemamasiki atinenge tashandisa anenge aine hutachiona hwakasiyana, saka anofanirwa kuraswa munzvimbo dzakachengetedzeka mungava mumabhini zvozonopiswa kwakakodzera. Migero yedu inofambisa tsvina nemvura inogona kugumisira yavharika zvakare nekuda kwezvinhu izvozvi kana zvakangorasirwa pose-pose,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoti magirovhosi nemamasiki anenge akashandiswa anogona kuparadzira zvimwe zvirwere zvakaita zvemanyoka.

“Ipo pazvinokandwa imbwa dzinouya dzichitora, nhunziwo dzichimhara, vana vachiguma vave kuatambisa kana kupfekawo vobatira zvirwere. Ngatichengetedzei utano hwedu tiise zvinhu izvi mumabhini,” vanodaro Dr Chonzi.

Kwayedza payakafamba paDema Growth Point, kwaSeke, ikaona magirovhosi akakandwa pasi panzvimbo dzisina kukodzera ndokuita hurukuro nevamwe vagare veko.

Vaimbova kanzura uku uye vari sachigaro weSeke Community Development Association, Cde Masimba Rubatika, vanonyunyuta nekuraswa kwemagirovhosi nemamasiki panzvimbo dzisina kukodzera.

“Ichokwadi, unoona magirovhosi kana mamasiki akakandwa pose-pose. Zvino utsanana hwacho huri papi? Tave kukonzera rimwe dambudziko. Kana kuHatfield, kuHarare uko kwandinogara zvimwe chete, unongoona zvakakandwa mumigwagwa panzvimbo yemumabhini,” vanodaro.

Panashe Mujaji (19) waikoko kuDema anoti ari kushamiswa zvikuru nevanhu vari kungorasa mamasiki nemagirovhosi pose-pose.

“Denda reCovid-19 rakauya uye ririko zvekuti hapana kupokana nazvo uyewo pane mitemo yakawanda iyo tiri kutevedzera. Vanhu vari kupfeka mamasiki nemagirovhosi kuzvichengetedza, asi pavanobvisa zvinhu izvi hapana hutsanana huri kutevedzwa nevamwe. Vave kungoarasa pavada,” anodaro Mujaji.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×