Chitungwiza yotongerwa tsvina

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungwiza iri kudhonzerwa kudare redzimhosva reko nemhosva yekusachengetedza marara ayo zvakanaka izvo zvinonzi zvakakonzera kukuvara zvakaipisisa kwevana vaviri avo vakawira murufuse rwunopisa kumuzinda mukuru unorasirwa marara.

Vana vakatsva nerufuse kuChitungwiza Municipal Dumpsite avo vanova vamhan’ari munyaya iyi tichangovadoma saMalon (6) naNyashadzashe (11).

Rufuse ivhu nemadota zvinopisa izvo zvinoita panzvimbo inenge yaita moto kwenguva yakareba.

Kanzuru yeChitungwiza iri kumiririrwa naHebert Chirowodza anova environmental health manager.

Muchichisi Norman Koropi anoudza dare kuti nemusi wa6 Nyamavhuchu gore rapera, Marlon akanga achitambira munzvimbo inorasirwa marara ndokuzopiswa nerufuse rwemarara.

Kanzuru yeChitungwiza inonzi iri kuratidza kushaya hanya nekuchengetedza upenyu hwevanhu apo inorasira marara panzvimbo iyi nenzira dzine njodzi.

Nyaya yepiri inonzi yakaitika nemusi wa26 Nyamavhuvhu gore rapera zvekare apo Nyashadzashe anonzi aitamba nevamwe vana panzvimbo iyi apo akawira murufuse ndokutsva.

Kanzuru yeChitungwiza iri kunzi yakashaya hanya nekusatevedza matanho ayakatarirwa neEnvironmental Manangement Agency (EMA) kuti ichengetedze marara aya nenzira isina njodzi kuupenyu hwevanhu.

Mutongi Arnold Maburo wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts anoti nyaya iyi idzoke mudare nemusi wa21 Chikunguru apo veEMA vanofanira kupa huchapupu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×