LIONEL Messi anoti haasi kuzofa akatambira nhabvu muPremier League uye hupenyu hwake hwese acharamba achitambira Barcelona chete. Mutambi uyu, uyo ane makore 28 okuberekwa anove chizvarwa chekuArgentina, akahwina mubairo weBallon d’Or kechishanu pamabiko akaitirwa kuZurich svondo rino, ndokuramba ari pamusoro paCristiano Ronaldo mumutambo wenhabvu.
Mapepanhau eku Spain pamwe nekuEngland ese akambonyora kuti shasha iyi inogona kubva kuchikwata chekuCatalan ichi, achienda kuzvikwata zvakaita seManchester City neChlesea izvo zvainziwo zvaida kumutenga. Uye nyanzvi yekuongorora nhabvu kuSpain, Guillem Balague, gore radarika akati City yaiedza zvikuru kukurudzira Messi kuti aende kunoitambira.
Asi Messi akati, “Ndinogara ndichizvitaura kuti handimbobve kuBarcelona. Ndomashoko angu andiri kutaura iwaya. Ndinoda kupedza kutambira nhabvu kumusha wangu uye Barcelona ndiwo musha wangu.
“Nhabvu inoshanduka zvakanyanya. Gore radarika, taishoropodzwa zvakadarikidza asi takazopedzisira tahwina mikombe yakawanda. Chishuwo changu kuti ndipedze kutambira nhabvu yangu kwayakatangira, kuBarcelona.
“Ndinoda kuramba ndichihwina mikombe yakawanda nechikwata changu ichi. Ino haisiyo nguva yekufunga kuti ndatamba here kusvika pandinotarisirwa kusvika pekupedzisira, kwete. Zvakakosha chaizvo kuti tirambe tichiedza kuhwina, tishande nesimba. Zvakawanda zvekufunga nezvazvo.”— Sky Sports News




