Ngwarirai zvirwere zvemanyoka: WAG

SANGANO reWomen’s Action Group riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvemanyoka zvakaita sechekorera izvo zvinowanzokonzerwa nekusashambidzika kwenharaunda, kunyanya munguva yekunaya kwemvura.

Muchinyorwa chinonzi Your Health Your Life (Utano hwako upenyu hwako), WAG inoti chirwere chekorera chinokonzera kupererwa nemvura yemumuviri inova yakakosha mukurarama kwemunhu.

Kana chirwere chemanyoka ichi chikanonoka kurapwa, murwere anogona kurasikirwa neupenyu.

Zviratidzo zvekorera zvinosanganisira kurutsa, kupera simba, kuchaya manyoka anenge akawanda mvura uye akachenuruka kunge mvura inenge yabikiswa mupunga.

Manyoka anokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekuchengetedza nharaunda pamwe nedzimba dzatinogara dzakachena, kusanganisira zvakare nechikafu.

Veruzhinji vanokurudzirwa kudya chikafu chichangobva kubikwa uye chichiri kupisa pane chatonhora kana chakarara nekuti chakadai ichi chine mukana wakakura wekunge chiine utachiona hunokozera manyoka.

Kana munhu achinge abatwa nekorera, zvakakosha kuti achimbidze kuendeswa kuchipatara kunobatsirwa.

Veruzhinji vanokurudzirwa zvakare kunwa mvura yakachena uye kana pachinge paine fungidziro yekuti mvura iyi yakasviba, vanokwanisa kuisa mishonga inouraya utachiona seJik kana Water Guard. Chivharo chimwe chete chinokwana mumugoro une wemarita makumi maviri emvura.

Zvimbuzi zvinofanira kugara zvakashambidzika kuitira kuti nhunzi dzisatakure tsvina dzichiendesa kuchikafu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *