Chivanhu, zvinorapika: Sekuru Mutanga

GODOBORI rine mukurumbira, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti zvirwere zvegomarara zvinokwanisa kurapwa nemishonga yechivanhu zvichipera kana zvichinge zvakasikirwa.

“Kune mhando dzegomarara dzakasiyana, kusanganisira remumabhonzo, remuropa, remumapapu, muchibereko nemupfungwa. Kana murwere achinge akurumidza kuuya chirwere ichi chisati chatekeshera chinorapika.

“Pachivanhu tinodaidza chirwere ichi kuti nhuta nekuti chinongonyuka pese-pese sezvinoita mhuka inonzi nhuta. Zviratidzo zvechirwere ichi zvinoonekwa apo munhu anoita bundu rinongokura asi risingarwadze, kuita ronda rinongoita mwena wakadzika zvekuti kana chigunwe unopinza. Mumwe anongoondoroka zvisina tsarukano apo chirwere ichi chinenge chiri kumudya nechemukati,” vanodaro.

Zvisinei, Sekuru Mutanga havana kukwanisa kudura kuti mishonga inorapiswa gomarara iyi yakamira sei kana kuda kuti itorwe mifananidzo nekutyira kuti inozobiwa “nevane huchenjeri”.

“Mishonga tinayo asi hatiidudze nemazita kunyangwe kwatinoiwana nekuti kwave nembavha dzinotamba neruzivo rwechizvino-zvino vachiisa mumakombiyuta zvinoita kuti isu varapi vechivanhu tirasikirwe nebasa.

“Mamwe makomarara atiri kuona mazuva ano anokonzerwa nezvitsinga kana kuti zvipotswa kana zvikwambo uye mamhepo. Saka kana munhu achinge atsingwa anongozoona rave ronda rinotorwa segomarara nekuti haripori,” vanodaro.

Vanoti vanhu vazhinji vari kunonoka kuvhenekwa gomarara zvinoita kuti vazouya kumatare kwavo chirwere chakomba.

“Gomarara kana richinge ratekeshera rinosiya maburi-maburi mukati memuviri zvekuti zvinenge zvave kutinetsawo isu sevarapi kuti tibatsire munhu. Vamwe vanouya vanzwa nekupiswa-piswa muzvipatara ropa risingachafambi pachinzvimbo chekuti vabatsirikane nekukasika.”

Sekuru Mutanga vanoenderera mberi vachiti kumwe kudya kwechiRungu kwema”GMO ndiko kuri kubatsira mukupararira kwegomarara munyika muno.

“Kare gomararara raitotyisa kunzwa nezvaro nekuti vanhu vaviri kana vatatu ndivo vaigona kutaurwa nezvavo kuti vane gomarara. Asi iko zvino kana pwere chaidzo dzave kufa negomarara.

“Vabereki vave nehusimbe hwekubikira mhuri kudya kwechinyakare senhopi, sadza rezviyo kana mapfunde, miriwo yemusango yakaita sebonongwe, mowa, rune nemichero nekuti ndizvo zvinhu zvisina mafuta akawanda uye zvinosimudzira utano hwemuviri. Kuwanda kwemafuta mumuviri kunoita kuti masero (cells) egomarara ange achinyuka nekukasika,” vanodaro.

Vanoti kusanduka kwemamiriro ekunze zvakare kunogona kudaro kuine chekuita negomarara apo vanhu vanopiswa nezuva zvakanyanya zvichiita kuti vapedzisire vave kubatwa negomarara reganda, zvikuru avo vanorarama nehusope.

 

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×