naBelinda Mukubvu
Aipfeka zvino ngowani nhema mucherechdedzo wedzidzo
Zirokwe dema-dema bvu-u pamusoro pedzake mbyata.
Manja kuvarume ukoo-o-oo!
Bu-bu-bu, tonho-o-oo!
Maungira nekumakomo
Mhururu kuvakadzi ukoo!
Lulululu yelele-yelele!
Mazvionaka izvi? Hongu.
Taisa maoko ka? Hongu.
Voombera varume, vopururudza vakadzi,
Mheterwa kuvakomana ukoo-oo!
Zvakanaka zvinotendwa.
Vangu amai vosara marokwe,
Maoko evangu baba osvuuka neguswi.
Mwari nevadzimu votendwa.
Vanofara vabereki mwana abudirira.
Zvinofadza izvi ka? Hongu.
Vehama chakanaka ngachitendwe.
Ini zenze tuku, mandionaka,
Ndiyeka mwanasikana uyu.
Wako mwanasikana dzidzisa,
Akayambuka wayambutsa mhuri.
MaVhasiti atekeshera aya,
rega kusungirira mwanasikana sembudzi muzhizha.
Siya atambanuke serunyemba,
Amedze maBee sevamwe.
Ugozoti, “Ndiyeka mwanasikana wangu uyu”
. Belinda Mukubvu anodzidza muForm 3JB paNyahuni Adventist High School, kwaMurehwa.
MAONERO:
Musoro wenhetembo iyi ndaufarira nekuti wasiyana nemimwe misoro yenhetembo yandinoona ichibva kuvana vechikoro.
Kana nhetembo ikaita musoro wakaita sewekuti, “Ndewangu uyo-o,” inokwezva vaverengi kuti vade kuziva kuti paita rudo here? Ko iye ari kutaura kuti ndewangu uyo ndiani? Chii chamuita kuti ataure nenzira yakadaro, inoratidza kudada nemunhu pajekerere?
Kungoverenga mutsara wekutanga chete, unobva watoziva kuti nyaya iri kutaurwa pano inyaya yekupemberera kubudirira kwemwana anga ari kuyunivhesiti.
Nyanduri wedu anyora nhetembo yake nenzira inotapira, asi kutapira kwemutauro kwanga kwave kuda kukanganiswa nekusashandisa zvimiso nezviturafemo.
Semuenzaniso, “Aipfeka zvino ngowani nhema (pano panga pachida kuti munhu afeme asati azoenda kunoti), “mucherechedzo wedzidzo.”
Chimwewo zvakare, handizive kuti mhosva ndeya nyanduri wedu here kana kuti vanotaipa, asi munhetembo umu mune zviperengo zvakakanganiswa zvinokanganisawo nhetembo yacho pakuverengwa kwayo.
Nyaudzosingwi dzashandiswa zvakanyanya kwazvo munhetembo iyi.
Izvi ndizvo zvakanaka, zvinoratidzAa hushasha hwanyanduri pakushandisa zvirungamutauro.
Asi handina kuzonzwisisa kuti dzanga dzave shungu here dzekuburitsa mutinhimira nemabvumira panzi nanyanduri:
Manja kuvarume ukoo-o-oo
Bu-bu-bu, tonho-o-oo
Apa panzi “tonho-o-oo” kana pachiteverwa nemaungira nemhururu hapasi ipo here panoraswa mazambiya vanhu vachisvetuka? Saka “tonho-o-oo” funga zvakare nezvake. Zvakare munhetembo iyi maita nhaurirano, saka yanga ichida kuti panyatsojeka pari kunzi:
“Mazvionaka izvi?”, vanodaira vachiti “hongu” vanga vachifanirwa kunyorwa mumutsara wavo vega kuti nhetembo ive yakanyatsorongeka.
Pawati, “vanhu amai vosara,” zviri pachena kuti wanga uchida kuti “vorasa.”
Izvi ndizvo zvinoita kuti ndikurudzire vanyori kuti mudzokorore kuverenga basa renyu kuti muve nechokwadi kuti zvamanyora ndizvo chaizvo. Kana mukadaro, nhetembo dzenyu hadzizotaura zvimwe zvinhu kana kuvhiringidza vaverengi.
Zvimwe chete nepawati “guswi” uchifanirwa kuti “gusvi.”
Pamwe ndipo pawati, “Amedze maBee . . .” iwe uchifanira kuti “Amedze mabhii.”
Ndinofara nendima yekupedzisira nekuti yave kutipa manzwiro emwanasikana ari kupembererwa.
Abva ati, “Ini zenze tuku, mandionaka!” Adaro, nyanduri abva atora mukana wekudada kwake nedzidzo kuti akurudzire vabereki vasingade kudzidzisa vanasikana.
Nyangwe zvazvo chirevo chichiti, “Kutambarara serunyemba,” iwe ndiri kunzwisisa zvauri kutaura nyangwe wati, “Siya atambanuke serunyemba.”
Nyangwe zvakadaro, ndaona kuti Belinda unonyatsonzwisisa mutauro wechiShona uye unoushandisa nenzira inonwisa mvura.
Ndinodada newe mwanasikana uye ndinotarisira kuzouyawo kugirajuwesheni yako!




