Cholera: Tose tine chekuita

ZIMBABWE iri mushishi kurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka checholera icho kusvika pakutanga kwesvondo rino chauraya vanhu 30, vamwe vanodarika 5 000 vabatwa nacho uye vari kurapwa muzvipatara.

Chirwere ichi chakatangira kuBudiriro nekuGlen View, muHarare, apo vamwe vagari veko vari kunzi vakanwa nekushandisa mvura ine utachiona hunokonzera cholera.

Kusvika pari zvino, cholera iyi yapararira kumamwe matunhu eZimbabwe anosanganisira Manicaland, Bulawayo, Mashonaland West neMashonaland Central. Hurumende iri kutsvaga rubatsiro rwemari ingasvika $64 miriyoni yekurwisa chirwere chemanyoka ichi.

Chikamu chezveutano chinoda $51 miriyoni yekubatsira varwere vangasvika 50 000 vangangobatwa necholera.

Nekune rimwe divi, makanzuru anodawo yekuvandudza mapombi anotakura tsvina yemasuweji neanofambisa mvura inoshandiswa neveruzhinji munzvimbo dziri kushungurudzwa necholera.

Kune mapoka ane chitsama ari kubatsira mukurwisa kupararira kwecholera munyika zvinove zvinokudzwa zvikuru.

Asi zvinoshamisa kunzwa kuti panguva iyo nyika iri mushishi kurwisa denda iri, kune vamwe vasina hanya neupenyu hwevanhu zvachose avo vari kutora mukana uyu kuti vaite mari nechikiribidi.

Semuenzaniso, kune vamwe vashandi vekanzuru yeHarare avo vakatomiswa mabasa svondo rino vachipomerwa kuita chitsotsi panyaya yekutengwa kwezvinhu zvakaita semagirovhosi anoshandiswa mukurwisa cholera.

Vashandi vekanzuru ava vanonzi vaiita chikiribidi vachironga pamwe chete nevanotengesa zvinhu izvi kuti vakwidze mitengo yacho zvakanyanyisa, ivo vozotyorera imwe mari yacho yakawanda muhomwe.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nekambani yeEconet kuti yaisa padivi mari inosvika $10 miriyoni yekurwisa cholera.

Zvinonzi magirovhosi anosiita $3 ange akwidzwa mutengo kusvika pa$65. Uku kuda mari zvakaita sei kunokonzera kuti vamwe vanhu vaite hudyire hwakadai?

Chokwadi panguva iyo vamwe vanhu vari kufa necholera asi vamwe vari kutofunga kushandisa mukana uyu kuita mari?

Vanhu vakadai vanofanira kurangwa zvakaomarara nemutemo kuburikidza nekusungwa uye nekuendeswa kumatare edzimhosva kuitira kuti vogove mucherechedzo kune vamwe vane mafungiro akamonyoroka kudai.

Nerimwewo divi, kune vamwe vanhu vasiri kutevedzera kurudziro iri kupihwa neHurumende nemamwe mapoka akasiyana mukurwisa kupararira kwecholera.

Kune vamwe vari kukaka nharo vachiti hazviite kuti vasabatane mawoko parufu senzira yekudzivirira cholera.

Kune vamwewo zvakare vari kuti kana hama yavo ichinge yafa nedenda iri, hazviite kuti vasaonekedzane nemutumbi wake setsika yechivanhu. Kozotiwo vari kuramba vachiungana munzvimbo dzakadai sekumachechi nekumapira.

Ane nzveve dzekunzwa ngaanzwe! Kuita zvakanaka kwakangonaka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *