Namata hako, asi usarege maARV

Kuna Chiremba

Ndiri kurarama neutachiona hweHIV uye ndakanga ndiri kutora mishonga yemaARV makore mana adarika.

Ndakanzwa kuti maporofita nevatungamiriri vemachechi havachakwanisi kutiparidzira nezvemasimba avo mukurwisa utachiona hweHIV.

Vaindipa tariro nekuda kwemharidzo idzi nekuti ndaitotarisira kupora pane rimwe zuva kubva kuHIV.

Pese apa ndakanga ndiri kuteerera paredhiyo ndichitarisira kuti pane rimwe remazuva ndaizoshanyira mumwe mutumwa waMwari kuti ange achindibatsira. Zvino iko zvino handichaziva kuti ndonanga kupi.

Ndinoda kwazvo kuti ndinge ndichimira kutora mishonga iyi kuti ndirarame munyasha. Sesangano reNAC, munewo here munhu waMwari wamungandipe kuti andibatsire.

Wenyu Mandhlovu

Kuna Mandhlovu

Sesangano reNAC hatikurudziri chero upi zvake munhu waMwari kuti ange achirapa HIV nekuti pari zvino haisati yava nemishonga unoipedza uye tinokurudzira vanhu kuti vange vachishandisa mishonga yemaARV mukurapa avo vane utachiona uhwu.

HIV inokanganisa dziviriro yemuviri kubva kune zvimwe zvirwere zvinongouya.

Mishonga yemaARV inobatsira kuti utachiona huri mumuviri mako hugare hwakaderera zvinoita kuti muviri wako ugare wakagwinya.

Saka kusiya maARV zvinoita kuti muviri wako uwanikwe uchirwara nekuti utachiona uhwu hunobva hwawedzera mumuviri.

Panguva yaunenge waregedza kutora mishonga yako unopa zvakare mikana kuutachiona uhwu kuti hunge huchizorambana nemishonga yawambenge uchitora zvinozoita kuti mishonga iyi iregedze kushanda mauri zvakare.

Kune avo vanovimba nekupora kuburikidza nekunamatirwa vachibva varegedza mishonga yavo, vanozviisa panyatwa yekuregedza kupora.

Tinotenda zvikuru kuti sangano rinoona nezvekutepfenyurwa kwenhau, reBroadcasting Authority of Zimbabwe ( BAZ), rakarambidza kushambadzwa kwemaporophita nen’anga avo vaizviti vane masimba ekurapa HIV.

Bhaibheri mubhuku raKings 5 rinotaura kuti munhu waMwari akatuma Naaman kuti aende anozvinyika kanomwe murwizi Jorodhani akaporeswa.

Muna John 9, Ishe Jesu vakasanganisa mate avo nedhaka vakaisa pameso ebofu vakamuudza kuti aende kunogeza kumeso kwake achibva aona kuti ainge aporeswa ndokutanga kuona.

Izvi zvinoratidza kuti kunyangwe tiine chivimbo munaMwari pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kunge tichiita panyama kuti tinge tichiporeswa.

Unokwanisa kurarama uri muruvimbo rwekunamata asi uchiramba uchitora mishonga yakanyorwa nemachiremba kuti unge uchipora.

Dr B Mushangwe

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×