Churchill Boys neKurai zvakaenda nemenduru

VANA vemuzvikoro zvinodarika 20 kubva kumatunhu ose enyika svondo rapera vakasangana pachikoro cheSt John Emerald Hill chiri muHarare pamakwikwi ezvidzidzo zveFirst Aid apo vaifundiswa neveSt John Ambulance.
Achitaura pachiitiko ichi, schools co-odinator wekambani iyi, Clara Murambiwa, akati chirongwa ichi chava nemakore angangosvika masere chavambwa nedonzvo rekuwanisa vana ruzivo rwekuti munhu anobatsirika sei kana achinge asangana nedambudziko rakaita sekuminyuka kana kukuvara apo anorasikirwa neropa rakawanda.

Murambiwa anoti dzidziso iyi inobatsira vana vechikoro kuti vakure vaine moyo wekubatsira.

“Tinoda kuti vana vechikoro vakure vachiziva kuti ibasa ravo kubatsira munhu anenge apinda munjodzi, mungava mutsaona yemugwagwa kana kuchikoro vachiita mitambo,” akadaro Murambiwa.

Vana vechikoro vakanyoreswa mazamanishoni pamwe nekuratidzira hunyanzvi hwavo mukubatsira vamwe vavo vainzi vakange vakuvara apo vaizomakirwa neshasha dzekambani yeSt John Ambulance.

Pazvikoro zvesekondari, Churchill Boys High ndiyo yakatora mukombe, St John Emerald High ndokutora mubairo wechipiri kuchiti Tafara 1 High yaifemera mugotsi pachinhanho chechitatu.

Kuzvikoro zvepuraimari, Kurai Primary School ndiyo yakaita yekutanga ichiteverwa neTynwald Primary School.
Zvikoro zvose zvakahwinha zvakapihwa zvekushandisa zveFirst Aid, mabhuku pamwe nezvinyoreso.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×