NDINI UYO: Sharon Chipango

SHARON CHIPANGO
SHARON CHIPANGO

NDINE makore 32 okuberekwa uye ndinogara kuSoutherton, muHarare, kumusha ndichibva kuBuhera. Ndakazvarwa ndiri mumwe chete mumhuri medu. Ndiri mudzimai akaropafadzawa nevanasikana vana.
Ndinofarira kushumira shoko raMwari ndiri kuchechi yeAnglican uye ndiri munhu anoyemura vanhu vanoda kudya zveziya ravo. Handifariri vanhu vane husimbe pakufunga pamwe nekushanda sezvo simba uri mukaka. Yambiro yangu kune ruzhinji ndeyekuti munhu ngaasarase mbereko nekufirwa, kana uchinge wakundikana kubudirira pane zvaungade kuita unofanira kushingirira nekuda kwekuti misi hayifanani.

Pachikafu ndinofarira mutakura wemumhare nenzungu. Ndinoda kutenda vabereki vangu nekundibereka, kunyanya amai vangu – Mbuya Chipango – avo vanomira neni munhamo nemumatambudziko. Ndinoda kukwazisa vana vangu pamwe nevose vandinoshanda navo kuYoll Investments.

 

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×