Clearline yakahwina

CHIKWATA cheClearline Electricals Pool Club ndicho chakahwina mutambo wePacific Storm Harare Pool League Mid-season Gala uyo wakatambirwa kuGlen View muguta reHarare svondo radarika.
Clearline Electricals yekuHighfield yakahwiniswa mukombe wemutambo uyu pamwe nemari inosvika US$600 mushure mekunge yakunda All Stars Pool Club yekuMufakose mufainari yainakidza zvikuru.

All Stars, kunyangwe yakakundwa zvayo, haina kuzobva ari mawoko chete sezvo yakawanawo mari inosvika US$350.

Mutambo uyu wakatanga masvondo matatu adarika uine zvikwata 32 kubva muHarare.

Pazvikwata zvaikwikwidza izvi, 24 zvakagumurwa ndokusara zvisere izvo zvinova zvakazobandana  paGlen View 3 paFox Nite Spot.

Sachigaro weHarare Pool League Thomas Mafemera akakorokotedza Clearline Electricals nekuhwina kwayakaita pamwe nekutenda vakotsveri veligi ravo veSavanna Tobacco kuburikidza nePacific Storm.

Mafemera anoti mutambo uyu wakambenge wakamiswa kwemakore nekuda kwekushaiwa vakotsveri asi kuuya kwakaita Savanna kuri kubatsira zvikuru kusimudzira pool.

“Tiri kufara zvikuru nekufamba kwakaita mutambo uyu masvondo matatu adarika aya.

“Chinhu chikuru chatiri kufarira ndechekuti mutambo uyu wakafamba zvakanaka pasina zvipingaidzo, Clearline yakatamba zvinodadisa uye ndinoikorokotedza nebasa rayakaita.

“Tichizotenda vakotsveri vedu nekuti pasina ivo hataimbokwanisa kuronga mutambo mukuru uyu wakaita sewatakatamba masvondo adarika.

“Tinovimba kuti hukama hwedu hucharamba huchikura tichienderera mberi,” akadaro Mafemera.

Zvimwe zvikwata zvaikwikwidza kumutambo uyu zvinoti Munyarari Pool Club, Mudavanhu Best, Black Rhinos, Mountains, PPU neReal Stars.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×