Siyanai nembanje: MP Mutomba

NHENGO inomirira Buhera North mudare reNational Assembly, Cde William Mutomba, vari kuyambira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga izvo zvavanoti zvinoguma zvakonzera ndufu nekukuvadzana.
Vakataura mashoko aya zvichitevera nyaya yemumwe murume wekwaSabhuku Garawaziva, kudunhu iri, uyo anonzi akapondwa achiitwa zvekupwanywa-pwanywa muviri wake wose nematombo.

VaJeffrey Chibwe Mabota (66) vanonzi vakapondwa naLawrence Dhanda (24) nekuda kwechikonzero chisingazivikanwe.

“Inyaya inosuwisa zvikuru, saka ikurudziro yangu kuti vana vechidiki vasiyane nekuputa mbanje nezvimwe zvinodhaka vofambira mberi nechikoro,” vakadaro Cde Mutomba.

Vakakurudzira mapurisa kuti vaferefete nyaya dzakadai zvakadzama.

Cde Mutomba vakati nzvimbo yakaponderwa murume uyu inozivikanwa zvikuru nekurimwa mbanje.

“Nyaya yekupondwa kwemunhu iyi hainei nezvematongerwo enyika uye mufi uyu haana chaakatorerwa,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×