College Press yakapa mota

Malven Mugadzikwa

KAMBANI ine mukurumbira mukudhinda mabhuku ekuverenga, yeCollege Press, nemusi weChipiri svondo rino yakapembedza vamwe vevatsigiri vayo nekuvapa mibairo yemotokari senzira yekupemberera kusvitsa kwayo makore 50 iri mubhizinesi.

Chikoro cheSadza Primary School chekuChikomba chakapihwa motokari yeNissan Caravan pamwe chete nelaptop kuchitiwo kambani inotengesa mabhuku yeStationary and Gifts yakawanawo mota yerudzi rweHonda Fit. Vachitaura mushure mekupa mibairo iyi, head of sales and marketing kuCollege Press, VaSamuel Ndanga, vanoti kambani yavo inokoshesa makasitoma ayo.

“Mibairo iyi ndeimwe nzira yatakapemberera nayo makore 50 tichiita zvekudhinda nekutengesa mabhuku emhando yepamusoro.

“Zvakakosha kuti sekambani, tirangarire vatinoshanda navo kuburikidza nekupa mibairo yakaita seyatapa nhasi. Ndeimwe nzira zvakare yekutenda avo vanotenga nekuvanotengesa mabhuku edu,” vanodaro.

Managing director weCollege Press, Muzvare Natsai Gurupira (kurudyi), vachitambidza Mai Gladys Chakoma makiyi emota yavakapa chikoro chavo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Makwikwi azoita kuti Sadza Primary School neStationary and Gifts zvihwine akatanga munaGunyana gore rapera. Mumakwikwi aya, takanga takapatsanura kuti ezvikoro neezvitoro zvinotengesa mabhuku tichiti pakupedzisira tiwane chikoro chimwe nechitoro chimwe chete vazowana mibairo.

“Chishuviro chedu sekambani kuti zvikoro pamwe nezvitoro zvinotengesa mabhuku varambe vachititsigira,” vanodaro VaNdanga.

Mukuru weSadza Primary School, Mai Gladys Chakoma, vanotenda College Press vachiti kambani iyi yavagonera pakuvapa chekufambisa.

Izvi zvinotsigirwawo naVaSisolani Mhlope, avo vanova director kuStationary and Gifts iri kuBulawayo. Vanoti kutengesa mabhuku eCollege Press kwavaita kuti vazivane nevatengi vazhinji, kunyanya zvikoro nekuti mabhuku acho ane ruzivo rwemhando yepamusoro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *