Murume tasa ku’small-house’

Kingstone Mapupu

MURUME wekuGweru – uyo anga ari mutyairi wemabhazi anoenda kunze kwenyika – ari kunzi akafa nemusi weChipiri svondo rino apo aiva pakati pekusasana neshamwarikadzi yake kumba kwayo mumusha weStoneridge, muHarare.

Mamwe mashoko anoti murume uyu paakafa, ainge ari pakati pekushereketa neshamwarikadzi yake.

Michael Sibongile Machacha (52), uyo anga achishanda kumabhazi eInter Africa, anonzi akafira pamba paNomatter Mutanhura kana kuti Mai Shyline.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nyaya iyi.

“Hongu, tine nyaya yemurume anga achishanda kukambani yeInter Africa semutyairi webhazi uyo anonzi akanofira kumba kwemukadzi waaidanana naye. Murume uyu ndewe kuGweru, shamwarikadzi iri yekuStoneridge,” vanodaro.

Vanoti Machacha anonzi akaridzira Mutanhura nhare nemusi weMuvhuro uno achiti aida kuzonomuona apo aiti aisanzwa zvakanaka uye akanga asiya bhazi rake kugaraji apo akabva naro kuZvishavane.

Nomatter Mutanhura

“Machacha anonzi akasvika kumba uku ndokusvikobikirwa svutugadzike akainwa ndokubva vanorara. Nguva dzekuma2 kunze kwave kuedza, murume uyu anonzi akatanga kuti aitadza kufema zvakanaka nekuda kwedenda reAsthma iro anonzi aiva anaro.

“Anonzi akazobuda panze apo akasvikopunzika achibva afa ipapo. Vamwe vanhu vanonzi vakaedza kumubatsira asi vakazoona kuti ainge afa,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanokurudzira vanhu kupota vachienda kuzvipatara kana vaine zvirwere zvinozivikanwa.

Mutumbi waMachacha unonzi wakazoendeswa kuchipatara cheHarare Central Hospital uko wainge wakamirira kuongororwa namachiremba.

Mutanhura paakashanyirwa neKwayedza nemusi weChitatu chino, akaramba kutaura nevatori venhau achiti achiri kuchema.

“Ndiri kuchema ini, handidi zvekutaura nemi. Ibvai pano, ndinogona kukudirai mvura.

“Pane mashoko aitaurwa nevamwe venyu (vatori venhau) ekunyepa, zvimwe zvose handidi kutaura endai munonyora zvamunoda,” anodaro.

Mupurisa aive panhamo

Mukadzi uyu akawanikwa achiwacha magumbeze anonzi ndiwo akafira Machacha apo aiva pamubhedha wake.

Mamwe mashoko ari kutaurwa nevamwe anoti murume uyu akafa nekuda kwechirwere cheshuga kana BP.

“Isu tinogara muno, tanzwa kuti vaviri ava vanga vachishereketa apo murume uyu azongotanga kuti ava kupiswa, vose vasina kupfeka. Azodonha pamubhedha ndokuzoburitswa panze kuti awane mhepo ndokufira ipapo,” anodaro mumwe mudzimai uyo asina kuda kudurwa zita rake.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *