Cossasa: Team Zim yopinda mukembi

Abel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe chemujaho wekumhanya icho chichanokwikwidza kumutambo weConfederation of Schools Sport Association of Southern Africa Athletics Competitions (Cossasa) chakapinda  mukembi nemusi weSvondo apo chave kutanga gadziriro dzekuenda kumutambo uchaitirwa kuMaseru, kuLesotho nguva pfupi iri kutevera.

Mutambo uyu uchatanga musi waKubvumbi 30 uchizotarisirwa kupera Chivabvu 3 uye chikwata cheTeam Zimbabwe ndicho chakahwina mukombe makore maviri adarika.

Muhurukuro nemutungamiri weCossasa, Johnson Madhuku, anoti  ari kuda chaizvo kuti chikwata chavo chiende kumutambo uyu chinohwapura menduru dzegoridhe chete.

Zimbabwe ichatumira shangwiti dzekumhanya dzinosvika 104 idzo dzinoti 52 dzakabva kuNational Association of Primary Heads (Naph) dzemuboka reUnder-14 kozoti dzimwe 52 zvakare dzekuNational Association of School Heads (Nash) idzo dzichange dzichikwikwidza muboka reUnder-18.

Madhuku anoti kunyangwe hazvo ariye ari kutungamira Cossasa parizvino achange aine chishuwo chekuti nyika yake ihwine zvinodakadza kumakwikwi aya.

“Tinoda kuti chikwata chedu chinoita zvakanaka kumutambo uyu nekuti tisu tine mukombe wacho saka tinoda kuti tirambire nawo.

“Ini semutungamiri weCossasa mawoko angu akasungwa, handifanirwe kuzopemberera pachena asi ndichange ndichikuza nyika yangu.

“Munhu wose ane kwaanobva uye anoda kuti nyika yake iite zvakanaka,” akadaro Madhuku.

Zvakadaro, Muzvare Cynthia Khumalo wekuNAPH  ndiye achaenda akatungamira chikwata ichi kuLesotho.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×