Grealish onzi akasununguka

TIM Sherwood anoti Jack Grealish akasununguka kusarudza nyika yaanoda kumiririra mumutambo wenhabvu asi akamukurudzira kuti ngaatore nguva yake kufunga nemwoyo wese.Murairidzi weAtson Villa uyu akakurudzira mutambi wake kuti asamhanye kutaura nyika yaanoda kutambira.

Chizvarwa chekuBirmingham, Grealish, akambotambira Republic of Ireland kuboka reUnder-21 asi haasati atambira chikwata chevakuru, saka anogona kutambira England. Mutambi uyu ari kuongororwa naGareth Southgate murairidzi weEngland U21 uye akatamba nhabvu inodakadza apo Villa yakakunda Liverpool musemi-fainari yeFA Cup kuWembley. Achitaura pamusoro peramangwana raGrealish, Sherwood akaudza TalkSport kuti, “Zviri kuna Jack kwaanoda kuenda.

“Ini changu kumubatsira kuona kuti atora gwara rakamunakira iye. Anofanirwa kunge achibatsira Aston Villa kana paine mukana uyu. Zviri kwaari iye Jack ndiye anoziva kwaanoda kuenda. Ndakambosangana nenyaya yakadai zvekare naNabil Bentaleb uyo aikwanisa kutambira France zvekare asi akazosarudza Algeria.

“Ndakataura naye andibvunza kuti oita sei. Ndakangoti, ‘ita zvinodiwa nemwoyo wako. Unofunga kuti uri muFrench here kana kuti muAlgerian? Ndiro danho raanofanirwa kutora izvezvi uye Jack anofanirwa kutorawo. Anofanirwa kutamba mimwe mitambo yakawanda kuAston Villa asati ataura kuti anoda kutambira nyika ipi.” — Sky Sports News

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×