Covid-19: Zvinhu zvoshata . . . 774 vawanikwa vaine denda iri zuva rimwe chete

 

Munyori weKwayedza
VANHU 774 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19, vamwe vatatu ndokufa nedenda iri nhasi bedzi hunova huwandu hunotyisa sezvo zvanga zvisati zvamboitika kubva patanga kuonekwa murwere wekutanga wedenda iri munaKurume wegore rapera.

Zuva nezuva Hurumende inovheneka vanhu Covid-19 kunzvimbo dzakasiyana nyika yose, zvinenge zvawanikwa zvichiziviswa veruzhinji.
Mumashoko aburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, nhasi bedzi, vanhu 774 vawanikwa vaine Covid-19 – chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Ava ndivo vanhu vakawandisa vawanikwa vaine denda iri pazuva rimwe chete kubvira patanga kuonekwa murwere wekutanga muno aine denda iri musi wa20 Kurume 2020.

Vanhu vanhasi vabva vakwidza huwandu hwevarwere vawanikwa vaine Covid-19 kusvika pa15 265.
Varwere veCovid-19 vanosvika 380 vafa zvichitevera kushaika kwevatatu nhasi.

Munguva ingangoita mwedzi miviri yadarika, vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari kuwanda izvo zvava kutyirwa kuti varwere vakawandisa vangangoshaya nedenda iri.

Izvi ndizvo zvatuma Hurumende kuti isimbaradze zvakanyanya matanho ose ane chekuita nekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.
Nemusi weMugovera, mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga vakazivisa nezvematanho matsva ayo anosanganusira kuti vanhu vose – kunze kweavo vanoita mabasa akakoshesesa – vambogara kumba kwemazuva 30.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×